bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 12
Ecclesiastes 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
1
Raŋgarira ʋo Musiki wako pamazuʋa oʋujaya bgako, mazuʋa akaipa asati aȿika, namakore asati aʋa’po, paŋguʋa yaucazoti: Handifariri iɀoɀo;
2
zuʋa neciedza, nomŋedzi, nenyeredzi ɀisati ɀaȿiɓiswa, makore acidzoka kana mvura yapfuʋura;
3
zuʋa iro, kana ʋatariri ʋeimba ʋaciɗeɗera, ʋarume ʋanesimba ʋacikotama, ʋakuyi ʋacirega ɓasa raʋo, nokuti ʋaʋa ʋashoma; naʋanotarira napamawindi ʋaȿiɓirwa;
4
mikoʋa icizarirwa inoɓuɗira kunzira dzomumusha, nenzwi rokukuya riciɗerera; kana acimuka nenzwi reshiri, naʋaimbi ʋose ʋasiŋganzwiki ɀakanaka.
5
Ɀirokwaɀo ʋacatya ɀakakwirira, neɀinotyisa ɀicanzi ɀiri panzira; muamanda ucatumbuka maruʋa, nemhashu icaɀikwekweredza, ʋuye kuɗa kwose kucapera; nokuti munhu unoenda kumusha wake usiŋgaperi, ʋacemi ʋacafamba‐famba panzira dzomumusha;
6
rwonzi rwesirveri rusati rwaɗamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, ciroŋgo cisati caputswa patsime, necicereso cinomonerwa cisati cavunikira pacituɓu,
7
guruʋa risati radzokera kuvu, seɀarakaŋga rakaita; ʋuye mŋeya usati wadzokera kunaMŋari wakaupa.
8
Ɀanzi noMuparidzi: Haɀinamaturo cose, ɀose haɀinamaturo!
9
Ɀino, Muparidzi ɀaakaŋga ari munhu wakacenjera, wakapfuʋura acidzidzisa ʋanhu ziʋo; wakaraŋgarira, nokunɀera, nokuroŋgedza ɀireʋo ɀizhinji.
10
Muparidzi wakatȿaka kuti awane mashoko anofadza, ʋuye ɀakanyorwa nomŋoyo wakarurama, ari mashoko eɀokwaɗi.
11
Mashoko aʋakacenjera akafanana neɀiɓayiso; sembambo dzakaroʋerwa kwaɀo, ndiɀo ɀakaita mashoko akaʋuŋganidzwa, akapiwa noMufudzi mumŋe cete.
12
Ʋuye ɀe, mŋanakomana waŋgu, unyeʋerwe; kuita buku zhinji hakuperi, ʋuye kudzidza kuzhinji kunonetsa muʋiri.
13
Ɀino shoko guru paɀose ɀatanzwa, heri: Itya Mŋari, uceŋgete mirairo yake; nokuti ndiɀo ɀakafanira ʋanhu ʋose.
14
Nokuti Mŋari ucatoŋga ɓasa rimŋe nerimŋe, pamŋe cete neɀose ɀakaʋanzika, kunyaŋge ɀakanaka, kunyaŋge ɀakaipa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12