bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 10
Hosea 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
1
ƲaIsraeri muzambiriŋga unotanda ɀakanaka, unoɓereka ɀiɓereko ɀawo; ɀiɓereko ɀaʋo ɀakati ɀiciwanda, ʋakawanza ʋo maartari aʋo; nyika yaʋo yakati icifara, iʋo ʋakaɀiitira ʋo shoŋgwe dzakanaka.
2
Mŋoyo yaʋo inonyeŋgera, ɀino ʋacapiwa mhaka; ucaroʋa maartari aʋo, ucaparadza shoŋgwe dzaʋo.
3
Ɀirokwaɀo, ɀino ʋacati: Hatinamambo, nokuti hatityi Jehova; kana ari mambo uŋgatiitireiko?
4
Ʋanotaura mashoko asinamaturo, ʋanopika nhema pakuita kwaʋo suŋgano; naiɀoɀo kutoŋgwa kwaʋo kunomera somuti unoʋuraya mumihoroŋga yomunda.
5
Ʋagere Samaria ʋacatya mhuru dzeBeti‐aveni; nokuti ʋanhu ʋaro ʋacaicema, naʋaprista ʋaro ʋaiifarira, nokuɗa kwokukudzwa kwayo, nokuti kwabva kwairi.
6
Icaiswa ʋo Asiria, ciʋe cipo camambo Jarebi; Efraimi ʋacanyadziswa, Israeri ʋacanyadziswa namano aʋo.
7
Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa secipande pamsoro pemvura.
8
Nɀimbo dzakakwirira dzeAveni ʋo, iɀo ɀiʋi ɀaIsraeri, dzicaparadzwa; munzwa norukato ɀicamera pamaartari aʋo; ɀino ʋacati kumakomo: Tifukidzei, nokuɀikomo: Wirai pamsoro peɗu.
9
Haiwa, Israeri, makatadza kubva pamazuʋa eGibea; ndi’po paʋakamira; ko ʋacakundwa nehondo inorwa naʋana ʋeɀakaipa paGibea here?
10
Ŋguʋa yandinoɗa ndicaʋaraŋga; marudzi aʋanhu acaʋaʋuŋganira kana ʋakasuŋgirwa paɀisakarurama ɀaʋo ɀiʋiri.
11
Efraimi itsiru rakapiŋgudzwa, rinofarira kupura ɀiyo; asi ini ndimene ndaȿika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutaȿi pamsoro paEfraimi; Juda ʋacarima, Jakobo ucaputsa maviŋga ake.
12
Ɀidɀarirei mukururama, mugoceka ɀoruɗo; ʋundai makombo enyu, nokuti iŋguʋa yokutȿaka Jehova, kuȿikira aciʋuya acikunisirai ɀakarurama.
13
Makarima ɀakashata, makaceka ɀakaipa, makadya ɀiɓereko ɀenhema, nokuti makaŋga muciʋimba nenzira yenyu, ʋuye nokuwanda kwemhare dzenyu.
14
Naiɀoɀo ɓope ricamuka pakati paʋanhu ʋenyu, nhare dzenyu dzose dzicaparadzwa, Sharmani seɀaakaparadza Beti‐arberi nezuʋa rokurwa; mai ʋakaputsanyiwa pamŋe cete naʋana ʋaʋo.
15
Ndiɀo ɀamucaitirwa neBeti‐eri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsraeri ucaparadzwa cose mambakwedza.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14