bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 2
Hosea 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
1
Itiyi kuʋanuŋuna ʋenyu: Ami; nokuhanɀadzi dzenyu: Ruhama.
2
Kakaʋarai namai ʋenyu, kakaʋarai; nokuti haazi mukadzi waŋgu, neni handizi murume wake; ŋgaabvise kufeʋa kwake paciso cake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;
3
kuti ndirege kumukumurira ŋguʋo dzake dzose, ndimuite seɀaakaŋga akaita nezuʋa rokuɀarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure aʋe nyika yakawoma, ndimuʋuraye nenyota.
4
Ɀirokwaɀo handiŋganzwiri ʋana ʋake nyasha, ɀaʋari ʋana ʋoʋufeʋe;
5
nokuti mai ʋaʋo ʋakafeʋa; wakaʋaɓereka wakaita ɀinonyadzisa, nokuti wakati: Ndicateʋera ʋaɗikani ʋaŋgu, ʋanondipa ɀokudya ɀaŋgu nemvura yaŋgu, namakushe aŋgu necinda yaŋgu, namafuta aŋgu neɀokunwa ɀaŋgu.
6
Naiɀoɀo tarira, ndicasosera nzira yako neminzwa, ndicamuʋakira ruȿiŋgo, kuti arege kuwana nzira dzake.
7
Ucateʋera ʋaɗikani ʋake, asi haaŋgaʋaɓati; ucaʋatȿaka, asi haaŋgaʋawani; ipapo ucati: Ndicadzokera kumurume waŋgu wokutaŋga, nokuti neŋguʋa iyo ndaifara kupfuʋura ɀino.
8
Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi kuti ndini ndaimupa ɀiyo, newaini itȿa, namafuta, nokumuwanzira sirveri nendarama, ɀaʋaiɓatira Baari naɀo.
9
Saka ndicamutorera ɀiyo ɀaŋgu neŋguʋa yaɀo, newaini yaŋgu itȿa nenhambo yaɀo, ndicabvisa makushe aŋgu necinda yaŋgu ɀaifanira kufukidza kushama kwake.
10
Ɀino ndicafukura kunyadzisa kwake pamberi paʋaɗikani ʋake, hakuna‐uŋgamurwira paruʋoko rwaŋgu.
11
Ndicagumisa ʋo mufaro wake wose, nemitambo yake, neŋguʋa dzake dzokugara kwomŋedzi, namasaɓata ake, neʋuŋgano dzake dzose dzakatarwa.
12
Ndicaparadza mizambiriŋga yake nemiʋonde yake, yaaiti: Ndiwo muɓairo waŋgu wandakapiwa naʋaɗikani ʋaŋgu; ndicaɀiita ɗondo, mhuka dzokusaŋgo dzicaɀidya.
13
Ndicamuraŋga nokuɗa kwamazuʋa aʋaBaari, ʋaaipisira ɀinonhuwira, acishoŋga ɀindori ɀake ɀenzeʋe neɀishoŋgo ɀake, akateʋera ʋaɗikani ʋake, akandikaŋganwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
14
Saka tarirai, ndicamunyeŋgera nokumuisa kurenje, ndicitaura ɀinofadza mŋoyo wake.
15
Ndicamupa minda yake yemizambiriŋga ɀicibva ipapo, nomupata waAkori uʋe mukoʋa wetariro kwaari; ucapindura ari’po, sapamazuʋa oʋusikana bgake, ʋuye sapazuʋa raakaɓuɗa panyika yeEgipita.
16
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ucandiidza Ishi, hauŋgazondiidzi Baari.
17
Nokuti ndicabvisa mazita aʋaBaari mumuromo make, haʋaŋgazozikanwi namazita aʋo.
18
Nezuʋa iro ndicaʋaitira suŋgano nemhuka dzokusaŋgo, neshiri dzokuɗeŋga, neɀinokambaira ɀapasi; ndicavuna ʋuta nomunondo nehondo panyika, ndiʋaʋatise pasi ʋakaceŋgetwa.
19
Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokusiŋgaperi; ɀirokwaɀo ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokururama, nokururamisira, noʋunyoro, nenyasha.
20
Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokutendeka; ipapo ucaziʋa Jehova.
21
Ɀino nezuʋa iro ndicapindura — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicapindura ɗeŋga rose, iro ricapindura nyika;
22
nyika icapindura ɀiyo, newaini itȿa, namafuta; iɀo ɀicapindura Jezreeri.
23
Ndicaɀisimira iye panyika; ndicamunzwira nyasha, iye wakaŋga asina‐kunzwirwa nyasha; ndicati kunaiʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu: Imi muri ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Imi muri Mŋari waŋgu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14