bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 11
Hosea 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
1
Israeri aciri mŋana muɗuku, ndaimuɗa, ndikaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita.
2
Ʋaprofita ʋacinyanya kuʋaɗana, iʋo ʋakanyanya kuʋatiza; ʋakaɓayira ʋaBaari, nokupisira ɀifananidzo ɀakaʋezwa ɀinonhuwira.
3
Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakadzidzisa Efraimi kufamba; ndakaʋatakura mumaʋoko aŋgu, asi haʋana‐kuziʋa kuti ndini ndakaʋaporesa.
4
Ndakaʋakakata namaɓote omunhu, neɀisuŋgo ɀoruɗo; ndakaʋa kwaʋari somunhu unobvisa joko pashaya dzaʋo, ndikagadza ɀokudya pamberi paʋo.
5
Haʋaŋgadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiria ndiye ucaʋa mambo waʋo, nokuti ʋakaramba kudzokera kwandiri.
6
Munondo ucaʋa nehasha pakati pamaguta aʋo, ucapedza ɀipfigiso ɀaʋo noku ɀi paradza, nemhaka yamano aʋo.
7
Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoramba ʋaciɗa kudzokera shure ʋacindisiya; kunyaŋge ʋaciɗanwa kunoWokumsoro, haʋatoŋgosimuki.
8
Ndiŋgakuregedza seiko, iwe Efraimi? Ndiŋgakurasha seiko, iwe Israeri? Ndiŋgakuita seiko seAdma? Ndiŋgakuenzanisa seiko neZeboimi? Mŋoyo waŋgu washandukurwa mukati maŋgu, tsitsi dzaŋgu dzamutswa pamŋe cete.
9
Handiŋgaiti nokutsamŋa kwaŋgu kukuru, handiŋgadzoki ndiciti ndiparadze Efraimi; nokuti ndiri Mŋari, handizi munhu, ndini Mutȿene pakati penyu, handiŋgaʋuyi ndakatsamŋa.
10
Ʋacateʋera Jehova, aciʋomba seshumba; nokuti ucaʋomba, ʋana ʋacaʋuya ʋaciɗeɗera ʋacibva maʋirazuʋa.
11
Ʋacaʋuya ʋaciɗeɗera seshiri ʋacibva Egipita, senjiʋa ʋacibva panyika yeAsiria; ini ndicaʋagarisa mudzimba dzaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
12
Efraimi ʋakandikombera nenhema, ʋuye imba yaIsraeri nokunyeŋgera; Juda ʋanoŋgoramba ʋacipeŋga pamberi paMŋari, pamberi paiye Mutȿene wakatendeka.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14