bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 14
Hosea 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
1
Haiwa, imi Israeri, dzokerai kunaJehova Mŋari wenyu, nokuti makagumburwa neɀakaipa ɀenyu.
2
Endai namashoko, mudzokere kunaJehova, muti kwaari: Bvisai ɀakaipa ɀose, mugamucire ɀinhu ɀakanaka, ipapo ticakupai miromo yeɗu, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɗu.
3
Asiria haʋaŋgatiponesi; hatiŋgataȿi mabiza, hatiŋgazoti kuɓasa ramaʋoko eɗu: Ndimi ʋamŋari ʋeɗu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
4
Ndicaporesa kudzokera kwaʋo shure, ndicaʋaɗa nokuɗa kwaŋgu; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kwabviswa kwaʋari.
5
Ndicaʋa seɗoʋa kunaIsraeri, ʋacatuŋga seruʋa, ʋacatanda midzi yaʋo seRebanoni.
6
Mataʋi aʋo acatanda, kunaka kwaʋo kucafanana nomuorivi, nokunhuwira kwaʋo sokweRebanoni.
7
Ʋanogara mumumvuri waʋo ʋacadzoka, ʋacararama seɀiyo, nokutuŋga maruʋa somuzambiriŋga; kurumbidzwa kwaʋo kucafanana newaini yeRebanoni.
8
Efraimi, ndicineiko neɀifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuʋonde mutema, ɀiɓereko ɀako ɀicawanikwa kwandiri.
9
Ndianiko wakacenjera, anzwisise ɀinhu iɀi, kana wakaŋgwara, aɀiziʋe? Nokuti nzira dzaJehova dzakarurama, ʋakarurama ʋacafamba nadzo; asi ʋaɗariki ʋacawa madziri.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14