bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 7
Hosea 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 8 →
1
Kana ndicirapa Israeri, kuipa kwaEfraimi kwoʋonekwa neɀakashata ɀeSamaria; nokuti ʋanonyeŋgera, mbava inopinda mukati, ʋuye ɓoka ramakororo rinoparadza kunze.
2
Asi haʋafuŋgi mumŋoyo yaʋo kuti ndinoraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo ɀose; ɀino ɀaʋakaita ɀinoʋakomberedza, ɀiri pamberi paŋgu.
3
Ʋanofadza mambo neɀakashata ɀaʋo, namacinda nenhema dzaʋo.
4
Ʋose imhombge; ʋakafanana necoto cakaʋeserwa nomuɓiki weciŋgwa; unorega kukucidzira mŋoto, kana akanya ɓundu reciŋgwa, kuȿikira raʋira.
5
Nezuʋa ramambo weɗu macinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye wakatambanudza ruʋoko rwake pamŋe cete naʋaseki.
6
Nokuti ʋakagadzira mŋoyo yaʋo secoto, ʋaciʋandira; muɓiki waʋo weciŋgwa unoʋata ʋusiku bgose, maŋgwanani cinopfuta somuraɀo womŋoto.
7
Ʋanopisa ʋose secoto, ʋanoparadza ʋatoŋgi ʋaʋo; madzimambo aʋo ose akawira pasi, hakuna‐nomumŋe pakati paʋo unoɗana kwandiri.
8
Efraimi ndiye unoɀiveŋganisa namamŋe marudzi; Efraimi ciŋgwa cisino‐kushandurwa.
9
Ʋatorwa ʋakapedza simba rake, asi iye haaɀiziʋi; ɀirokwaɀo vudzi rake rocena pose‐pose, asi iye haaɀiziʋi.
10
Kuɀikudza kwaIsraeri kunopupura pamberi pake, asi haʋana‐kudzokera kunaJehova Mŋari waʋo, kana kumutȿaka, kunyaŋge iɀi ɀose ɀakaɗaro.
11
Efraimi wakaita senjiʋa isinamano, isinenjere; ʋanoɗana Egipita, ʋanoenda Asiria.
12
Kana ʋacienda, ndicakandira mumbure waŋgu pamsoro paʋo, ndicaʋakweʋera pasi seshiri dzokuɗeŋga; ndicaʋaraŋga seɀaʋakaʋudzwa paʋuŋgano yaʋo.
13
Ʋanenhamo iʋo, nokuti ʋakatsauka kwandiri; ŋgaʋaparadzwe, nokuti ʋakandiɗarikira; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɗa kuʋadzikinura, ʋakandireʋera nhema.
14
Haʋana‐kuɗana kwandiri nemŋoyo yaʋo, asi ʋanowuŋgudza panhoʋo dzaʋo; ʋanoʋuŋganira ɀiyo newaini itȿa, ʋanondimukira.
15
Kunyaŋge ndakaʋadzidzisa nokusimbisa maʋoko aʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa.
16
Ʋanodzoka, asi haʋadzokeri kunaiye uri kumsoro; ʋakafanana noʋuta ʋunonyeŋgera; macinda aʋo acaparadzwa nomunondo nokuɗa kwehasha dzamarimi aʋo; ndiko kucaʋa kusekwa kwaʋo panyika yeEgipita.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14