bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 13
Hosea 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
1
Efraimi ʋakati ʋacitaura, kuɗeɗera kukaʋa’po; ʋakaɀikudza pakati paIsraeri; asi wakati apara mhaka naBaari, akafa.
2
Asi ɀino ʋanoŋgoramba ʋaciwedzera ɀiʋi ɀaʋo, ʋakaɀiitira ɀifananidzo ɀakaʋumbga nesirveri yaʋo, ɀiri ɀifananidzo ɀenjere dzaʋo, ɀose ɀiri ɓasa remhizha; ɀino ʋanoti pamsoro paɀo: Ʋanoɓayira mhuru ŋgaʋadziȿete.
3
Saka ʋacaita semhute yamaŋgwanani, seɗoʋa rinokurumidza kunyaŋgarika, sehundi inopepereswa necampupuri paɓuriro, soʋutsi bgecoto ʋunoɓuɗa napaʋuri.
4
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndini Jehova Mŋari wako kubva panyika yeEgipita; hamuziʋi mumŋe mŋari asi ini, hakunomumŋe muponesi kunze kwaŋgu.
5
Ndakakuziʋai murenje, munyika yakawoma kwaɀo.
6
Ɀaʋakapiwa mafuro akanaka, ʋakaguta; ʋakaguta, mŋoyo yaʋo ikaɀikudza, naiɀoɀo ʋakandikaŋganwa.
7
Saka ndaʋa kwaʋari seshumba, ndicaʋagarira panzira seŋgwe;
8
ndicarwa naʋo seɓere rakatorerwa ʋana ʋaro, ndicatsemura cifukidziro comŋoyo waʋo; ndicaʋadyira’po seshumbakadzi; ɀikara ɀicaʋabvamburanya.
9
Ndiɀo ɀicakuparadzai, imi Israeri, ɀamunorwa neni, ini muɓatsiri wenyu.
10
Ko ɀino mambo wenyu uripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko ʋatoŋgi ʋenyu ʋaripi, ʋamaiti: Tipei mambo namacinda?
11
Ndakakupai mambo pakutsamŋa kwaŋgu, ndikamubvisa ɀe nehasha dzaŋgu.
12
Ɀakaipa ɀaEfraimi ɀakasuŋgwa pamŋe cete, ɀiʋi ɀake ɀakaceŋgetwa.
13
Kurwadziwa kwomukadzi unosurumuka kucaȿika kwaari; iye mŋanakomana usinenjere; nokuti kana ŋguʋa iciȿika, haasweɗeri pakuɀarwa.
14
Ndicaʋadzikinura pasimba reSheori, ndicaʋadzikinura parufu. Haiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Haiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuɀiɗemba hakuŋgaʋonekwi nameso aŋgu.
15
Kunyaŋge akaɓereka ɀiɓereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuʋa icaȿika, iri mhepo yaJehova inobva kurenje; cituɓu cake cicapxa, tsime rake ricawoma; iye ucapamba fuma yenhumbi dzose dzinoɗikanwa.
16
Samaria ricaʋa nemhoȿa yaro, nokuti ʋakamukira Mŋari waʋo; ʋacaparadzwa nomunondo, ʋacece ʋaʋo ʋacaputsanyiwa, ʋakadzi ʋaʋo ʋanemimba ʋacatumburwa.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14