bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 5
Hosea 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
1
Inzwai shoko iri, imi ʋaprista, tererai imi imba yaIsraeri, rerekerai nzeʋe dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotoŋgwa; nokuti makaŋga muri musuŋgo paMizpa, nomumbure wakadzikwa paRabori.
2
Ʋaka ndi mukira ʋakapinda kwaɀo pakuʋora, asi ndicaʋatuka ʋose.
3
Ndinoziʋa Efraimi, Israeri haʋana‐kuʋanzika pamberi paŋgu; nokuti ɀino, iwe Efraimi, wakapata, Israeri ʋakaȿiɓiswa.
4
Ɀaʋakaita haɀiʋatenderi kudzokera kunaMŋari waʋo; nokuti mŋeya wokufeʋa uri mukati maʋo, haʋaziʋi Jehova.
5
Kuɀikudza kwaIsraeri kunoʋapupurira pacena; saka Israeri naEfraimi ʋacagumburwa paɀakaipa ɀaʋo, Juda ʋacagumburwa ʋo pamŋe cete naʋo.
6
Ʋacaenda namakwai aʋo neŋombe dzaʋo kundotȿaka Jehova, asi haʋaŋgamuwani; wakaenda kure naʋo.
7
Ʋakanyeŋgera Jehova, nokuti ʋakaɓereka ʋana ʋasati ʋari ʋaʋo; ɀino mutambo wokugara kwomŋedzi ucaʋapedza pamŋe cete neminda yaʋo.
8
Ridzai mumanzi paGibea, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBeti‐aveni: Ʋari shure kwako, iwe Benjamini!
9
Nyika ya Efraimi icaitwa matoŋgo nezuʋa rokutukwa; ndakaziʋisa pakati paIsraeri ɀicazoʋa’po ɀirokwaɀo.
10
Macinda aJuda akafanana naʋanobvisa ciratidzo cemiganho; ndicaɗurura kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo semvura.
11
Efraimi wakamanikidzwa, wakapxanyiwa nokutoŋgwa, nokuti wakaŋga acitenda kuteʋera murairo waʋanhu.
12
Naiɀoɀo ndicaʋa kunaEfraimi secipfunho, ʋuye sokuʋora kuimba yaJuda.
13
Efraimi wakati aciʋona kurwara kwake, naJuda ʋaŋga rake, Efraimi akaenda Asiria, akatuma nhume kunamambo Jarebi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa ʋaŋga renyu.
14
Nokuti ndicaʋa seshumba kunaEfraimi, ʋuye seshumba ɗuku kuimba yaJuda; ini, iyeni, ndicabvambura ndokuenda; ndica ʋa tapa, hakuna‐uŋga ʋa rwira.
15
Ndicaenda ndicidzokera kunɀimbo yaŋgu, kuȿikira ʋatenda kutadza kwaʋo, ʋakatȿaka ciso caŋgu; pakutambudzika kwaʋo ʋacanditȿaka nomŋoyo wose.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14