bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 9
Hosea 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
1
Regai kufara, imi Israeri, mucifarisisa samarudzi aʋanhu; nokuti makapata, mucisiya Mŋari wenyu; makaɗa muɓairo wokufeʋa pamapuriro ose eɀiyo.
2
Ƃuriro neciȿiniro cewaini haɀiŋgaʋagutsi, waini itȿa icaʋanyeŋgera.
3
Haʋaŋgagari munyika yaJehova; asi Efraimi ʋacadzokera Egipita, ʋacadya ɀokudya ɀinetȿina paAsiria.
4
Haʋaŋgaɗiriri Jehova waini, ɀiɓayiro ɀaʋo haɀiŋgamufadzi; ɀiɓayiro ɀaʋo ɀicaita kwaʋari seɀokudya ɀaʋanocema; ʋose, ʋanoɀidya, ʋacaȿiɓiswa, nokuti ɀokudya ɀaʋo ndeɀaʋo ɀoga, haɀiŋgaȿiki muimba yaJehova.
5
Mucaɓateiko nezuʋa reʋuŋgano dzakatarwa, nezuʋa remitambo yaJehova?
6
Nokuti tarirai, ʋakabva nokuɗa kwokuparadzwa, asi ʋaEgipita ʋacaʋaʋuŋganidza, ʋeMemfisi ʋacaʋaʋiga; rukato rucaʋatorera ɀinhu ɀaʋo ɀesirveri ɀinofadza; minzwa icaʋa mumatente aʋo.
7
Mazuʋa okurobga aȿika, mazuʋa okutsiʋa aȿika; Israeri ʋacaɀiziʋa; muprofita iɓenzi, munhu unomŋeya unopeŋga, nemhaka yokuwanda kweɀakaipa ɀenyu, ʋuye nokuti ruʋeŋgo rukuru.
8
Efraimi mushori kunaMŋari waŋgu; kana ari muprofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruʋeŋgo muimba yaMŋari wake.
9
Ʋakaɀishatisa ɀikuru kwaɀo, sapamazuʋa eGibea; ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, ucaʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo.
10
Ndakawana Israeri ʋakaita samazambiriŋga murenje; ndakaʋona madziɓaɓa enyu ʋakaita seɀiɓereko ɀakataŋga kuibva pamuʋonde paŋguʋa yawo yokuɓereka yokutaŋga; asi ʋakaȿika paBaari‐peori, ʋakaɀiisa kuneɀinonyadzisa, ʋakaitwa ɀinonyaŋgadza ʋacifanana neɀaiɗikanwa naʋo.
11
Kana ʋari Efraimi, kukudzwa kwaʋo kucabururuka seshiri; kuɓereka hakuŋgaʋi’po, kana kukurirwa, kana kunaka pamuʋiri.
12
Kunyaŋge ʋakarera ʋana ʋaʋo, ndicaʋatorera iʋo, kuȿikira kusisinomunhu; ɀirokwaɀo, ʋacaʋa nenhamo ʋo, kana ini ndaʋasiya.
13
Seɀandakatsaura Tire, Efraimi ʋakasimŋa pakanaka; asi Efraimi ʋacaɓuɗisira muʋurayi ʋana ʋaʋo.
14
Ciʋapai, Jehova — mucaʋapeiko? Ciʋapai ɀiɀaro ɀinoshaya namazamu asinomukaka.
15
Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀiri paGirgari, nokuti ndi’po pandakaʋaʋeŋga; nemhaka yeɀakaipa ɀaʋanoita ndicaʋadziŋga paimba yaŋgu, handicaʋaɗi; macinda aʋo ose aka ndi mukira.
16
Efraimi ʋarobga, mudzi waʋo wawoma, haʋaŋgazoɓereki ɀiɓereko; ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋakaɓereka, ndicaʋuraya ʋaɗikanwa ʋakaɓerekwa neɀiɀaro ɀaʋo.
17
Mŋari waŋgu ucaʋarasha, nokuti haʋana‐kumunzwa; ʋacaʋa ʋadzuŋgairi pakati pamarudzi aʋanhu.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14