bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hosea 4
Hosea 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
1
Inzwai shoko raJehova, imi ʋana ʋaIsraeri, nokuti Jehova unegakaʋa naʋanhu ʋagere munyika ino, nokuti hakuneɀokwaɗi, kana ʋunyoro, kana kuziʋa Mŋari munyika ino.
2
Hakuneɀimŋe asi kupika, nokunyeŋgera, nokuʋuraya, nokuɓa, nokuita ʋupombge; ʋanopaza dzimba, kuteʋura ropa kunoramba kuciteʋera kuteʋura ropa.
3
Saka nyika icacema, mumŋe nomumŋe ugere’mo ucapera simba, pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo neshiri dzokuɗeŋga; naidzo hoʋe dzeguŋgwa dzicabviswa.
4
Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokakaʋara kana munhu unotuka; nokuti ʋanhu ʋako ʋakaita saʋanokakaʋara nomuprista.
5
Iwe ucagumburwa masikati, nomuprofita ucagumburwa ʋo pamŋe cete newe ʋusiku; ndicaparadza mai ʋako.
6
Ʋanhu ʋaŋgu ʋaparadzwa nokushaiwa ziʋo; ɀawaramba ziʋo, neni ndicakuramba ʋo, kuti urege kuʋa muprista waŋgu; ɀawakaŋganwa murairo waMŋari wako, neni ʋo ndicakaŋganwa ʋana ʋako.
7
Ʋakati ʋaciwanda, kunditadzira kwaʋo kukawanda ʋo, ndicashandura kukudzwa kwaʋo ndikuite kunyadziswa.
8
Ʋakaguta ne ɀinobva paɀiʋi ɀaʋanhu ʋaŋgu, ʋanopaŋga nemŋoyo yaʋo ɀakaipa ɀaʋo.
9
Saka ɀakaita ʋanhu, ndiɀo ɀicaita muprista ʋo; ndicaʋaroʋa pamsoro penzira dzaʋo, ndicaʋaripidzira ɀaʋanoɓata.
10
Ʋacadya, asi haʋaŋgaguti; ʋacapata, asi haʋaŋgawandi, nokuti ʋakarega kuʋa nehanya naJehova.
11
Kufeʋa newaini newaini itȿa ɀinobvisa njere.
12
Ʋanhu ʋaŋgu ʋanobvunza mano paɗanda raʋo, ʋanoziʋiswa netȿimbo yaʋo; nokuti mŋeya wokufeʋa wakaʋatadzisa, ʋakapata, ndokurasha Mŋari waʋo.
13
Ʋanoɓayira pamsoro pamakomo, ʋanopisira ɀinonhuwira paɀikomo, napasi pemiouki, nemipoprari, nemiterebini, nokuti mimvuri yayo yakanaka; naiɀoɀo ʋakunda ʋenyu ʋanopata, mŋeŋga yenyu inofeʋa.
14
Handiŋgaroʋi ʋakunda ʋenyu kana ʋacipata, nemŋeŋga yenyu kana icifeʋa; nokuti ʋarume ʋanoenda ʋari ʋoga neɀifeʋe, ʋanoɓayira naʋakadzi ʋanofeʋa; ʋanhu ʋasiŋganzwisisi ʋacaparadzwa.
15
Kunyaŋge imi, Israeri, mucipata, Juda ŋgaʋarege kupara mhaka; musaȿika Girgari, musakwira Beti‐aveni, ʋuye musapika, muciti: NaJehova mupenyu!
16
Nokuti Israeri ʋanokoma, setsiru rinokoma; ɀino Jehova ucaʋafudza segwaiana panɀimbo mhamhi.
17
Efraimi unonamatirana neɀifananidzo, muregei.
18
Ɀaʋanonwa ɀinoʋaʋa; ʋanoramba ʋacipata; ʋaɓati ʋaʋo ʋanofarira ɀikuru ɀinonyadzisa.
19
Mhepo yakaʋaputira namapapiro ayo; ʋacanyadziswa nokuɗa kweɀiɓayiro ɀaʋo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14