bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 1
Zechariah 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 2 →
1
Nomŋedzi worusere, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria, mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana womuprofita Ido, riciti:
2
Jehova wakatsamŋira madziɓaɓa enyu ɀikuru.
3
Naiɀoɀo citi kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo: Dzokerai kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
4
Regai kuʋa samadziɓaɓa enyu, nokuti ʋaprofita ʋokutaŋga ʋakaɗanidzira kwaari, ʋaciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Dzokai ɀino panzira dzenyu dzakaipa napaɀakaipa ɀenyu ɀamunoita; asi haʋana‐kunzwa kana kunditeerera — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
5
Madziɓaɓa enyu aripiko? Naiʋo ʋaprofita ʋaŋgararama nokusiŋgaperi here?
6
Asi mashoko aŋgu nemitemo yaŋgu, ɀandakaraira ʋaranda ʋaŋgu, iʋo ʋaprofita, haɀina‐kuɓata madziɓaɓa enyu here? Iʋo ʋakadzoka, ʋakati: Jehova wehondo seɀaakafuŋga kutiitira, ɀakafanira maɓasa eɗu neɀakafanira ɀatakaita, ndiɀo ɀaakatiitira.
7
Nezuʋa ramakumi namanna romŋedzi wegumi nomumŋe, uri mŋedzi weShebati, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana womuprofita Ido, riciti:
8
Ndakatarira ʋusiku, ndikaʋona murume wakataȿa biza dɀuku, akamira pakati pemiti yemimirte yaiʋa mumupata; shure kwake kwakaŋga kunamabiza matȿuku namashora namacena.
9
Ipapo ndikati: Nhai, ishe waŋgu, ɀinyiko iɀi? Mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni akati kwandiri: Ndicakuratidza kuti iɀi ɀinyi.
10
Murume wakaŋga amire pakati pemiti yemimirte akapindura, akati: Aʋa ndiʋo ʋakatumŋa naJehova kupota‐pota nenyika yose.
11
Iʋo ʋakapindura mutumŋa waJehova wakaŋga amire pakati pemiti yemimirte, ʋakati: Takapota‐pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere icizorora.
12
Ipapo mutumŋa waJehova wakapindura, akati: Haiwa, Jehova wehondo, mucaramba musiŋganzwiri nyasha Jerusarema namaguta aJuda amakatsamŋira makore ano anamakumi manomŋe kuȿikira riniko?
13
Ipapo Jehova wakapindura mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza.
14
Ipapo mutumŋa, wakaŋga acitaurirana neni, akati kwandiri: Ƌanidzira, uti: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndinegoɗo pamsoro peJerusarema, goɗo guru.
15
Ndakatsamŋira kwaɀo ndudzi dzaʋanhu dzakazorora, nokuti ndakaŋga ndakatsamŋa ɀishoma, asi iʋo ʋakanyanyisa nhamo.
16
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Ndadzokera Jerusarema ndinenyasha zhinji; imba yaŋgu icaʋakwa’mo — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ʋuye rwonzi rwokuyera rucatambanudzirwa pamsoro peJerusarema.
17
Ƌanidzira ɀe, uti: Ɀanzi naJehova wehondo: Maguta aŋgu acapafuma mufaro ɀe, Jehova ucanyaradza ɀe Zioni, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema.
18
Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ndikatarira, ndikaʋona nyaŋga inna.
19
Ipapo ndikati kumutumŋa, wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi? Akandipindura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda naIsraeri neJerusarema.
20
Jehova akandiratidza ʋapfuri ʋanna.
21
Ipapo ndikati: Aʋa ʋaʋuya kuzoɓateiko? Iye akataura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda, kuȿikira kusinomunhu wakasimudza musoro wake; asi aʋa ʋaʋuya kuzoʋatyisa, kuwisira pasi nyaŋga dzendudzi dzaʋanhu dzakasimudzira nyika yaJuda runyaŋga rwaʋo ʋaciɗa kuʋaparadzira.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14