bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 11
Zechariah 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
1
Zarura mikoʋa yako, iwe Rebanoni, kuti mŋoto upedze misidari yako.
2
Wuŋgudza iwe musipresi, nokuti musidari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwaɀo yaparadzwa; wuŋgudzai, imi miouki yeBashani, nokuti ɗondo risiŋgabviri kupindwa ratemŋa.
3
Inzwai inzwi rokuwuŋgudza kwaʋafudzi! nokuti kukudzwa kwaʋo kwaparadzwa; inzwai inzwi rokuʋomba kwaʋana ʋeshumba! nokuti kuɀikudza kwaJoridani kwaitwa ɗoŋgo.
4
Ɀanzi naJehova Mŋari waŋgu: Fudza makwai anozoʋurawa;
5
iwo anoʋurawa naʋene ʋawo, ʋasinemhoȿa; ʋanoateŋgesa ʋanoti: Jehova ŋgaaʋoŋgwe, nokuti ndakafuma; ʋafudzi ʋawo haʋanetsitsi nawo.
6
Nokuti handicazoʋi netsitsi naʋagere munyika — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi tarirai, ndicaisa ʋanhu aʋo, mumŋe nomumŋe muruʋoko rwowokwake, nomuruʋoko rwamambo wake; ʋacaparadza nyika, ini ndisiŋgaʋarwiri paruʋoko rwaʋo.
7
Saka ini ndakafudza makwai aizoʋurawa, ɀirokwaɀo aiʋa makwai anonzwisa ʋurombo. Ndikatora tȿimbo mbiri, imŋe ndikaitumidza zita rinonzi Kunaka, imŋe ndikaitumidza zita rinonzi Ɀisuŋgo; ndikafudza makwai.
8
Ndikaparadza ʋafudzi ʋatatu nomŋedzi mumŋe, nokuti mŋeya waŋgu wakaŋga waneta naʋo, nemŋeya yaʋo yakandisema ʋo.
9
Ipapo ndikati: Handicaɗi kukufudzai; cinoɗa kufa ŋgacife haco, cinofanira kuparadzwa, ŋgaciparadzwe haco; akasara ŋgaadye mumŋe nomumŋe nyama yomumŋe.
10
Ipapo ndikatora tȿimbo yaŋgu yainzi Kunaka, ndikaivuna‐vuna, kuti ndiputse suŋgano yaŋgu yandakaŋga ndaita nendudzi dzose dzaʋanhu.
11
Ikavuniwa nezuʋa iro; naiɀoɀo marombo pakati pamakwai, akanditerera, akaziʋa kuti ishoko raJehova.
12
Ndikati kwaʋari: Kana muciti ɀakanaka, cindipai muɓairo waŋgu; kana ɀisakanaka, regai. Ipapo ʋakandiyerera muɓairo waŋgu, masirveri anamakumi matatu.
13
Jehova akati kwandiri: Ciɀikandira kumuʋumbi wehari; ndiwo muteŋgo wakanaka wandakateŋgwa nawo naʋo. Ini ndikatora masirveri anamakumi matatu, ndikaakandira kumuʋumbi wehari mumba maJehova.
14
Ipapo ndikavuna‐vuna imŋe tȿimbo yaŋgu, yainzi Ɀisuŋgo, kuti ndiputse ʋukama bgaiʋa pakati paJuda naIsraeri.
15
Ipapo Jehova akati kwandiri: Citora ɀe nhumbi dzomufudzi ɓenzi.
16
Nokuti tarirai, ndicamutsa panyika ino mufudzi usiŋgaʋi nehanya naakarashika, kana kutȿaka akapararira, kana kurapa akavunika, kana kufudza anofara; asi ucadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.
17
Unenhamo mufudzi usinamaturo, unosiya makwai! Munondo ucatema ruʋoko rwake neziso rake rorudyi; ruʋoko rwake rucawoma cose, ʋuye ziso rake rorudyi ricaȿiɓirwa cose.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14