bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 14
Zechariah 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
1
Tarirai, zuʋa raJehova rinoȿika, neŋguʋa iyo ɀawakapamba ɀicagoʋerwa mukati mako.
2
Nokuti ndicaʋuŋganidza ndudzi dzose dzaʋanhu kuzorwa neJerusarema; guta ricakundwa, dzimba dzicapambga, naʋakadzi ʋaʋo ʋacacinyiwa; hafu yeguta ʋacatapxa, asi ʋakasara ʋaʋanhu haʋaŋgabviswi muguta.
3
Ipapo Jehova ucaɓuɗa, ndokurwa nendudzi idzedzo, seɀaakarwa nezuʋa rehondo.
4
Nezuʋa iro tsoka dzake dzicamira pagomo reMiorivi, riri pamberi peJerusarema kurutiʋi rwamabvazuʋa; gomo reMiorivi ricapamuka napakati, ɀicibva kumabvazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, kukaʋa’po mupata mukuru kwaɀo; imŋe hafu yegomo icatseɗukira kurutiʋi rwokumsoro, imŋe hafu yaro kurutiʋi rwezasi.
5
Mucatiza nomumupata wamakomo aŋgu, nokuti mupata wamakomo ucandoȿika paAzeri; ɀirokwaɀo mucatiza, seɀamakatiza kuɗeŋgenyeka kwenyika pamazuʋa aUzia mambo waJuda; ipapo Jehova Mŋari waŋgu ucaʋuya, naʋatȿene ʋose pamŋe cete newe.
6
Ɀino nezuʋa iro ciedza cicashaikwa, ɀinopenya ɀicadzimŋa.
7
Asi ricaʋa zuʋa rimŋe rinozikanwa naJehova, hapaŋgaʋi namasikati kana ʋusiku, asi neŋguʋa yamaɗekwana ciedza cicaʋa’po.
8
Ɀino nezuʋa iro mvura mhenyu zhinji icaɓuɗa muJerusarema; imŋe hafu yayo icayerera kuguŋgwa rokumabvazuʋa, imŋe hafu yayo kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa; ɀicaitwa pazhezha napacando.
9
Jehova ucaʋa Mambo wenyika yose; nezuʋa iro Jehova ucaʋa mumŋe cete, nezita rake rimŋe cete.
10
Nyika yose icaita seɓani, ɀicibva Geba kuȿikira paRimoni, kurutiʋi rwezasi rweJerusarema; iro ricakwiridzwa, ricagara panɀimbo yaro, kubva pasuʋo raBenjamini kuȿikira kunɀimbo yesuʋo rokutaŋga, kuȿikira kusuʋo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kuȿikira kuɀiȿiniro ɀewaini ɀamambo.
11
Ʋanhu ʋacagara’mo; kutukwa hakuŋgazoʋi’po, asi Jerusarema ricagara rakaceŋgetwa.
12
Uku ndiko kuroʋa Jehova kwaacaroʋa nako ndudzi dzose dzaʋanhu dzakarwa neJerusarema: nyama yaʋo icaʋora ʋamire namakumbo aʋo, meso aʋo acaʋorera mumakomba awo, norurimi rwaʋo rucaʋorera mumiromo yaʋo.
13
Ɀino nezuʋa iro kunyoŋganiswa kukuru kunobva kunaJehova kucaʋa’po pakati paʋo; mumŋe nomumŋe ucaɓata ruʋoko rwowokwake, ʋuye ruʋoko rwake rucasimudzirwa ruʋoko rwowokwake.
14
Juda ʋacarwa ʋo paJerusarema; fuma yendudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza icaʋuŋganidzwa, inoti ndarama, nesirveri, neŋguʋo, ɀizhinji kwaɀo.
15
Seɀakaita kurobga uku, ndiɀo ɀicaita ʋo kurobga kwamabiza namahesera, namakamera, nemboŋgoro, neɀipfuwo ɀose ɀicaʋa’po pamisasa iyo.
16
Ɀino ʋose ʋakasara ʋendudzi dzose dzakarwa neJerusarema, ʋacakwira gore rimŋe nerimŋe kundonamata Mambo, iye Jehova wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
17
Aninani pamarudzi enyika usiŋgakwiri Jerusarema kundonamata Mambo, Jehova wehondo, haaŋganisirwi mvura.
18
Kana rudzi rwaʋaEgipita rusiŋgakwiri, ʋakasaȿika’po, naiʋo ʋacaʋiŋgwa nokurobga Jehova waacaroʋa nako ndudzi dzaʋanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
19
Uku ndiko kurobga kwaʋaEgipita nokurobga kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
20
Nezuʋa iro pamatare anorira amabiza pacanyorwa, paciti: ⱿITⱾENE KUNAJEHOVA; nehari dziri mumba maJehova dzicafanana nembiya dziri pamberi peartari.
21
Ɀirokwaɀo, hari imŋe neimŋe paJerusarema napaJuda icaʋa tȿene kunaJehova wehondo; ʋose ʋanoɗa kuɓayira ʋacaʋuya ʋacidzitora, kuzoɓikira’mo; nezuʋa iro hapacazoʋi nomuKanani mumba maJehova wehondo.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14