bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 10
Zechariah 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
1
Kumbirai kunaJehova mvura neŋguʋa yemvura yokupedzisira, kunaiye Jehova unoita mheni; iye ucaʋapa mvura inonaya kwaɀo, mumŋe nomumŋe aʋe neɀinomera mumunda.
2
Nokuti terafimi dzakataura ɀisinamaturo, ʋaʋuki ʋakaʋona nhema, ʋakaʋudza ʋanhu kurota kwenhema, ʋanoʋaraidza pasina; saka ʋanoɀiindira samakwai, ʋanotambudzika nokushaiwa mufudzi.
3
Kutsamŋa kwaŋgu kwakamukira ʋafudzi, ndicaroʋa nhoŋgo; nokuti Jehova wehondo wakashanyira ɓoka rake, iyo imba yaJuda, ucaʋaita sebiza rake rakanaka pakurwa.
4
Kwaari kucabva ibge rekona, kwaari mbambo, kwaari ʋuta bgehondo, kwaari ʋaɓati ʋose pamŋe cete.
5
Ʋacaʋa semhare dzinotsika ʋaʋeŋgi ʋadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; ʋacarwa nokuti Jehova unaʋo; ʋataȿi ʋamabiza ʋacanyadziswa.
6
Ndicasimbisa imba yaJuda, ndicaponesa imba yaJosefa, nokuʋadzosera ɀe, nokuti ndicaʋanzwira nyasha; ʋacaʋa saʋanhu ʋasina‐kurashwa neni; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo, ndicaʋanzwa.
7
ƲaEfraimi ʋacaʋa semhare, mŋoyo yaʋo icafara sa ʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ɀirokwaɀo ʋana ʋaʋo ʋacaɀiʋona, ʋakafara; mŋoyo yaʋo icafara munaJehova.
8
Ndicaʋaridzira muridzo, ndiʋaʋuŋganidze; nokuti ndakaʋadzikinura; ʋacawanda seɀaʋaiwanda kare.
9
Ndicaʋakusha pakati pendudzi dzaʋanhu; ʋacandiraŋgarira kunyika dziri kure; ʋacararama pamŋe cete naʋana ʋaʋo, ʋakadzoka.
10
Ndicaʋadzosa ɀe panyika yeEgipita, ndicaʋaʋuŋganidza ndiciʋabvisa paAsiria; ndicaʋaȿitsa kunyika yeGireadi neRebanoni; ʋacashaiwa pokugara.
11
Ucafamba nomuguŋgwa rokutambudzika, ucaroʋa mafuŋgu muguŋgwa, pakadzika pose muNairi pacapxa; kuɀikudza kweAsiria kucaɗeredzwa, tȿimbo yoʋushe yeEgipita icabviswa.
12
Ndicaʋasimbisa munaJehova, ʋacafamba muzita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14