bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 2
Zechariah 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
1
Ɀino ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona murume akaɓata rwonzi rwokuyera muruʋoko rwake.
2
Ipapo ndikati: Unoendepiko? Iye akati kwandiri: Kundoyera Jerusarema, ndiʋone kufara kwaro nokureɓa kwaro.
3
Ɀino tarira, mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, akaɓuɗa, mumŋe mutumŋa akandomuciŋgamidza,
4
akati kwaari: Mhanya, undotaura nejaya iri, uti: Jerusarema ricagara semisha isinamaȿiŋgo, nokuɗa kwokuwanda kwaʋanhu neɀipfuwo ɀiri’mo.
5
Nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndicaʋa kwariri soruȿiŋgo rwomŋoto rwakapoteredza, ini ndicaʋa kubginya kwaro mukati maro.
6
Nhai, imi, tizai panyika yokumsoro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndakakuparadzirai semhepo inna dzokuɗeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
7
Nhai, Zioni, tiza, iwe ugere nomukunda weBabironi.
8
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunɀai imi, unogunɀa mboni yeziso rake.
9
Nokuti tarirai, ndicazunuŋgusa ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋo, ʋacaʋa cinhu cakapambga kunaiʋo ʋaiʋaɓatira; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma.
10
Imba ufare, iwe mukunda weZioni; nokuti tarira, ndinoʋuya, ndicagara mukati mako — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
11
Ndudzi zhinji dzicanamatira Jehova nezuʋa iro, ʋakaʋa ʋanhu ʋaŋgu; ndicagara mukati mako, ipapo iwe ucaziʋa kuti ndiye Jehova wehondo wakandituma kwauri.
12
Juda ʋacagarwa nhaka naJehova, ucaʋa mugoʋe wake munyika tȿene, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema.
13
Nyararai imi nyama yose pamberi paJehova; nokuti wamuka paʋugaro bgake ʋutȿene.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14