bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 8
Zechariah 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 9 →
1
Ɀino shoko raJehova wehondo rakaȿika kwandiri, riciti:
2
Ɀanzi naJehova wehondo: Ndinegoɗo pamsoro peZioni, goɗo guru, ndinegoɗo pamsoro paro, dziri shuŋgu kwadzo.
3
Ɀanzi naJehova: Ndadzokera paZioni, ndicagara pakati peJerusarema; Jerusarema ricanzi guta reɀokwaɗi, ʋuye gomo raJehova ricanzi gomo dɀene.
4
Ɀanzi naJehova wehondo: Ʋatana naʋacembere ʋacagara ɀe munzira dzomuguta reJerusarema, murume mumŋe nomumŋe anomuɗonɀo wake nemhaka yokukwegura kwake.
5
Nzira dzomuguta dzicazara naʋakomana naʋasikana ʋanotamba munzira dzaro.
6
Ɀanzi naJehova wehondo: Kana ɀicishamisa pamberi paʋanhu aʋa ʋakasara namazuʋa iwayo, ko ɀiŋgashamisa pamberi paŋgu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
7
Ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicaponesa ʋanhu ʋaŋgu kunyika yamabvazuʋa, nokunyika yamaʋirira;
8
ndicaʋaʋuyisa, ʋagare pakati peJerusarema; ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo neɀokwaɗi nokururama.
9
Ɀanzi naJehova wehondo: Maʋoko enyu ŋgaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuʋa ano pamiromo yaʋaprofita, ʋaiʋa’po nezuʋa rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehova wehondo, iyo tembere, kuti iʋakwe.
10
Nokuti mazuʋa iwayo asati aȿika, kwakaŋga kusinomuɓairo womunhu kana muɓairo weɀipfuwo; kwakaŋga kusinorugare kunowaiɓuɗa kana kunowaipinda, nemhaka yomudziʋisi; nokuti ndairwisanisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe nowokwake.
11
Asi ɀino handicazoʋi kunaʋanhu aʋa ʋakasara sapamazuʋa akare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
12
Nokuti mbeu yorugare icaʋa’po; muzambiriŋga ucaɓereka ɀiɓereko ɀawo, nyika icaɓereka ɀayo, ɗeŋga ricaɓuɗisa ɗoʋa raro; ʋanhu aʋa ʋakasara ndicaʋagarisa nhaka yeɀinhu iɀi ɀose.
13
Ɀino seɀamaiʋa cinhu cakatukwa pakati pendudzi dzaʋanhu, imi imba yaJuda nemi imba yaIsraeri, saiɀoɀo ndicakuponesai, muʋe cinhu cinoropafadza. Regai kutya, asi maʋoko enyu asimbe.
14
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Seɀandakafuŋga kukuitirai ɀakaipa, ŋguʋa yandakatsamŋiswa namadziɓaɓa enyu, ini ndikasaɀiɗemba — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo;
15
saiɀoɀo ʋo ndakafuŋga mazuʋa ano kuitira Jerusarema ɀakanaka ʋuye neimba yaJuda ʋo; regai kutya.
16
Heɀi ɀinhu ɀamunofanira kuita: Mumŋe nomumŋe ŋgaareʋe ɀokwaɗi kunowokwake; toŋgai neɀokwaɗi norugare mumasuʋo enyu;
17
kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira wokwake ɀakaipa mumŋoyo make; musaɗa kupika kwenhema; nokuti ɀinhu iɀi ɀose ndinoɀiʋeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
18
Ɀino shoko raJehova wehondo rakaȿika kwandiri, riciti:
19
Ɀanzi naJehova wehondo: Kuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wecinna, nokuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wecishanu, nokuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wecinomŋe, nokuɀinyima ɀokudya no mŋedzi wegumi, ɀinofanira kuʋa kuimba yaJuda mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka iɗai ɀokwaɗi norugare.
20
Ɀanzi naJehova wehondo: Ndudzi dzaʋanhu dzicaʋuya ɀe, naʋagere mumaguta mazhinji;
21
ʋagere mu guta rimŋe ʋacaenda kunerimŋe, ʋaciti: Hendei, ticimbidzike kundokumbira nyasha kunaJehova, tindotȿaka Jehova wehondo; neni ndicaenda ʋo.
22
Ɀirokwaɀo, ndudzi zhinji dzaʋanhu namarudzi anesimba acaʋuya kuzotȿaka Jehova wehondo paJerusarema, nokukumbira nyasha kunaJehova.
23
Ɀanzi naJehova wehondo: Namazuʋa iwayo ʋarume ʋanegumi pandimi dzose dzendudzi dzaʋanhu ʋacaɓata ŋguʋo yomunhu uri muJuda, ʋaciti: Ticaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mŋari unemi.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14