bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 13
Zechariah 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
1
Nezuʋa iro imba yaDavidi naʋagere Jerusarema ʋacadziʋurirwa tsime, rokusuka ɀiʋi netȿina.
2
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa mazita eɀifananidzo panyika, arege kuzoraŋgarirwa; ndicaɓuɗisa ʋo ʋaprofita nemŋeya yetȿina panyika.
3
Ɀino kana aninani aciprofita, ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacati kwaari: Hauŋgararami, nokuti unoreʋa nhema nezita raJehova; ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacamubvoʋora kana aciprofita.
4
Ɀino nezuʋa iro ʋaprofita ʋacanyadziswa mumŋe nomumŋe necaanoʋona, kana aciprofita, haʋaŋgapfeki ŋguʋo yemvere ʋaciti tinonyeŋgera ʋanhu;
5
asi ucati: Handizi muprofita, ndiri murimi wevu; nokuti ndakaitwa muranda kubva paʋuɗuku bgaŋgu.
6
Kana mumŋe akati kwaari: Ko maʋaŋga awa ari pakati peɀanza ɀako ndeeiko? Ipapo ucapindura, aciti: Ndi’po pandakakuʋadzwa mumba meshamŋari dzaŋgu.
7
Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi waŋgu, ʋuye nomunhu shamŋari yaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; roʋa mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kuʋaɗuku.
8
Ɀino munyika yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova — migoʋe miʋiri icaparadzwa ndokufa; asi wecitatu ucaregwa’mo.
9
Mugoʋe wecitatu ndicaupinza mumŋoto, ndicaʋanatsa seɀinonatswa sirveri, ndicaʋaidza seɀinoidzwa ndarama. Ʋacaɗana zita raŋgu, ini ndicaʋanzwa; ini ndicati: Ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Jehova ndiMŋari waŋgu.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14