bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 4
Zechariah 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
1
Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaȿika ɀe, akandimutsa, somunhu unomutswa pahope dzake.
2
Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ini ndikati: Ndakatarira, ndikaʋona cigadziko comŋenje cendarama yose, cineharyana yaco pamsoro paco, nemŋenje yaco minomŋe iri pamsoro paco; mŋenje mumŋe nomumŋe uri pamsoro paco unempombi nomŋe;
3
ʋuye miti miʋiri yemiorivi parutiʋi rwaco, mumŋe kurutiʋi rworudyi rweharyana, nomumŋe kurutiʋi rworuɓoshwe.
4
Ndikapindura ndikataura nomutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, ndiciti: Iɀi ɀinyiko, ishe waŋgu?
5
Ipapo mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, wakapindura, akati kwandiri: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.
6
Ipapo akapindura, akataura neni, aciti: Ndiro shoko raJehova kunaZerubaberi, rinoti: Haɀiitwi nehondo kana nesimba, asi noMŋeya waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
7
Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubaberi ucaitwa ɓani: iye ucaɓuɗisa ibge rokumsoro, aciɗanidzira aciti: Nyasha, nyasha ŋgadziʋe kwariri.
8
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
9
Maʋoko aZerubaberi akateya nheyo dzeimba ino, maʋoko ake acaipedzisa ʋo; ipapo iwe ucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma kwauri.
10
Nokuti ndiani wakashoʋora zuʋa reɀinhu ɀiɗuku? Nokuti awa manomŋe acafara ɀikuru, acaʋona rwonzi rwokuyera muruʋoko rwaZerubaberi; awa ndiwo meso aJehova anofamba pose‐pose panyika yose.
11
Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari: Ko miorivi iyi miʋiri kurutiʋi rworudyi rwecigadziko nokurutiʋi rworuɓoshwe ɀinoti kuɗiniko?
12
Ndikapindura ɀe rwecipiri, ndikati kwaari: Ko mataʋi awa maʋiri omuorivi ari kumatiʋi emiromo miʋiri, inoɗira mafuta endarama pairi, anoti kuɗiniko?
13
Akandipindura, akati: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.
14
Ɀino akati: Aʋa ndiʋo ʋaʋiri ʋakazodzwa, ʋamire pamberi paShe wenyika yose.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14