bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 6
Zechariah 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
1
Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona ŋgoro inna dziciɓuɗa pakati pamakomo maʋiri; makomo iwayo akaŋga ari makomo endarira.
2
Ŋgoro yokutaŋga yakaŋga inamabiza matȿuku; ŋgoro yecipiri mabiza matema;
3
ŋgoro yecitatu mabiza macena, ŋgoro yecinna mabiza mapfumbu anesimba.
4
Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi, ishe waŋgu?
5
Mutumŋa akapindura, akati kwandiri: Iɀeɀi ndidzo mhepo inna dzokuɗeŋga, dzinoɓuɗa padzakaŋga dzimire pamberi paShe wenyika yose.
6
Ŋgoro inamabiza matema inoɓuɗira kunyika yokumsoro; macena akaateʋera; namapfumbu akaɓuɗira kunyika yezasi.
7
Anesimba akaɓuɗa ʋo, akatȿaka kuenda kuti apote‐pote nenyika yose; akati: Ibvai pano, mupote‐pote nenyika yose. Ipapo akapota‐pota nenyika yose.
8
Ipapo akaɗanidzira kwandiri, akataura neni, aciti: Tarirai, ʋanoenda kunyika yokumsoro, ʋakanyaradza mŋeya waŋgu kunyika yokumsoro.
9
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
10
Tora ʋamŋe kunaʋakatapxa, ʋanoti Herdai, naTobija, naJedaia; uʋuye nezuʋa irero upinde mumba maJosia mŋanakomana waZefania, kwaʋakaȿika ʋacibva Babironi;
11
utore kwaʋari sirveri nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru;
12
utaure naye, uciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Tarira, murume unezita rinonzi Ƌaʋi; iye ucakura panɀimbo yake, iye ucaʋaka tembere yaJehova;
13
ndiye ucaʋaka tembere yaJehova; iye ucaʋa noʋumambo, ʋuye ucagara pacigaro cake aciɓata ʋushe; ucaʋa muprista pacigaro cake coʋushe; raŋgano yorugare icaʋa pakati paʋo iʋo ʋaʋiri.
14
Korona dzicaʋa dzaHeremi, naTobija, naJedaia, naHeni mŋanakomana waZefania, ciʋe ciyeʋudzo mutembere yaJehova.
15
Ʋari kure ʋacaʋuya ʋaciʋaka mutembere yaJehova; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakanditumira kwamuri. Iɀeɀi ɀicaitika kana muciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wenyu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14