bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zechariah 5
Zechariah 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
1
Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona rugwaro rwakapetwa rucibururuka.
2
Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ndikapindura, ndikati: Ndinoʋona rugwaro rwakapetwa runobururuka; kureɓa kwarwo makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgarwo makubiti anegumi.
3
Ipapo akati kwandiri: Ndiko kutuka kunoɓuɗira pamsoro penyika yose; nokuti mumŋe nomumŋe unoɓa ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi seɀa ɀakanyorwa ’mo; ʋuye mumŋe nomumŋe unopika ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi, seɀa ɀakanyorwa ’mo.
4
Ndicaɓuɗisa kutuka ikoko — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — kupinde mumba mounoɓa nomumba mounopika nhema nezita raŋgu; kucagara pakati peimba yake, kuciipedza iyo pamŋe cete namatanda ayo namabge ayo.
5
Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaɓuɗa, akati kwandiri: Cirinzira meso ako ɀino, uʋone cinoɓuɗa’po.
6
Ini ndikati: Cinyiko? Iye akati: Ndiyo efa inoɓuɗa’po. Akati ɀe: Ndiɀo ɀaʋakaita panyika yose;
7
(ɀino ndikaʋona tarenta romutobvu ricisimudzwa); ndikaʋona mukadzi agere mukati meefa.
8
Akati: Uyu ndiye Ɀakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamsoro pomuromo wayo.
9
Ipapo ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona ʋakadzi ʋaʋiri ʋaciɓuɗa, mhepo iri mumapapiro aʋo; ɀino ʋakaŋga ʋanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; iʋo ʋakasimudza efa, ikaʋa pakati penyika neɗeŋga.
10
Ipapo ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ʋanondoisepiko efa?
11
Iye akati kwandiri: Kundomuʋakira imba panyika yeShinari; kana yapera ucandoiswa’po panɀimbo yake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14