bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 16
Jeremiah 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 17 →
1
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandirizve, richiti,
2
“Rega kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.
3
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavanakomana napamusoro pavanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, napamusoro pamadzimai avo akavabereka, napamusoro pamadzibaba avo akavabereka panyika ino,
4
Vachafa norufu rwakaipa kwazvo; havangachemwi kana kuvigwa; vachava somupfudze panyika; vachapedzwa nomunondo uye nenzara; zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvikara zvenyika.
5
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema;’ nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.’
6
“Vakuru navaduku vose vachafa munyika ino; havangavigwi, navanhu havangavachemi, kana kuzvicheka nokuzviveura nokuda kwavo;
7
vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vanwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.
8
“Newe usapinda muimba yomutambo, kuti ugare navo, uchidya nokunwa.
9
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga.’
10
“Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, ‘Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zvedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?’
11
Ipapo iwe uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;
12
zvino imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa, muchiramba kunditerera.
13
Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati nohusiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.’ ”
14
Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Tarirai, mazuva anouya, avachasizoti, ‘NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti;’
15
asi ‘NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri kunyika yokumusoro, nokunyika dzose dzaakanga avadzingira kwadziri. Ndichavadzoserazve kunyika yavo yandakapa madzibaba avo.’
16
“Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndichandodana vabati vazhinji vehove, ivo vachavabata sehove; pashure ndichandodana vavhimi vazhinji, ivo vachavavhima pamakomo ose nezvikomo zvose, napamapako ose amatombo.
17
Nokuti meso angu anoona nzira dzavo dzose, hazvina kuvanzika pamberi pangu, zvakaipa zvavo hazvina kuvanziwa pameso angu.
18
Ndichatanga kuvatsivira zvakaipa zvavo nezvivi zvavo kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvinhu zvavo zvinosemesa, nokuzadza nhaka yangu nezvinonyangadza zvavo.’ ”
19
Imi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, “Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.”
20
“Ko munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?
21
Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa, ndichavazivisa panguva ino chete ruoko rwangu nesimba rangu; vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.”
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52