bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 3
Jeremiah 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 4 →
1
Zvinonzi, “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikanwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
2
“Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
3
Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakanga isipo; kunyange zvakadaro wakanga une huma yechipfeve, ukaramba kunyadziswa.
4
“Ko haungatangi zvino uchidana kwandiri here, uchiti, ‘Baba vangu, ndimi muperekedzi wohuduku hwangu?’
5
Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa.”
6
Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josia, “Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
7
Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunun'una wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona.
8
Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba Isiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munun'una wavo, ivo vaJudha, wokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
9
Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda.
10
Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munun'una wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomwoyo wavo wose, asi nokunyengera” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11
Zvino Jehovha akati kwandiri, “Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka.
12
Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, ‘Dzokai, imi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
Asi muzive zvakaipa zvenyu bedzi, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasaterera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.’
14
“Zvanzi naJehovha, ‘Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Zioni.’
15
“Ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere.
16
“Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha;’ havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
17
Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu hwemwoyo yavo yakashata.
18
Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.”
19
Asi ndakati, “Ndichakuisai sei pakati pavanga vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda;” ndikati, “Imi muchanditumidza zita rokuti, ‘Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.’
20
Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imi makandinyengera, imi imba yaIsiraeri.’ ”
21
Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nokuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
22
Dzokai, imi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
23
Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu.
24
Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku hwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo.
25
Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku hwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuterera inzwi raJehovha Mwari wedu.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52