bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 22
Jeremiah 22
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 23 →
1
Zvanzi naJehovha, “Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri,
2
uti, ‘Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuo awa.’
3
“Zvanzi naJehovha, ‘Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.’
4
Nokuti kana muchiita chinhu ichi nomwoyo wose, pamasuo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake.
5
Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha.
6
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Uri Gireadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.’
7
Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikanwa, vachiikandira mumoto.
8
Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, ‘Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?’
9
“Ipapo vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.’ ”
10
Musachema wakafa, kana kumuwungudzira; asi mucheme kwazvo iye unoenda, nokuti haangadzokizve, kana kuonazve nyika yake yaakaberekerwa.
11
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, wakabata ushe panzvimbo ino, “Iye haangadzokeripozve;
12
asi kwaakatapirwa, ndiko kwaachandofirako; haangazoonizve nyika ino.”
13
Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
14
iye, unoti, “Ndichazvivakira imba huru namakamuri okumusoro akafara, achizviitira mahwindo; zvino yoitirwa denga romusidhari, ichizodzwa muti mutsvuku.”
15
“Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokunwa, vachiita zvakarurama nezvakatendeka here?” Ipapo vakagara nomufaro.
16
Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. “Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
17
Asi meso ako nomwoyo wako hazvirangariri zvimwe, asi kuchiva kwako nokuteura ropa risina mhosva, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uzviite.
18
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, ‘Havangamuchemi,’ vachiti, ‘Haiwa, munun'una wangu!’ Kana, ‘Haiwa, hanzvadzi!’ Havangachemi, vachiti, ‘Haiwa, ishe!’ Kana, ‘Haiwa, hukuru hwake!’
19
“Uchavigwa sokuvigwa kwembongoro, uchakweverwa nokurashwa kunze kwamasuo eJerusaremu.”
20
Kwirai Rebhanoni, mudanidzire; danidzirai nenzwi renyu paBhashani; danidzirai muri paAbharimi; nokuti vadikani venyu vose vakaparadzwa.
21
Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati, “Handidi kunzwa.” Ndiwo wakanga uri mutoo wako kubvira pahuduku hwako, kuti hauna kuterera inzwi rangu.
22
Mhepo ichaparadza vafudzi vako vose, navadikani vako vachatapwa; zvirokwazvo nenguva iyo uchanyadziswa nokukanganiswa nokuda kwezvakaipa zvako zvose.
23
Haiwa, iwe, ugere Rebhanoni, unovaka dendere rako mumisidhari, uchanzwisisa hurombo kwazvo sei kana uchizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka!
24
“Nohupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha kunyange Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyange zvakadaro ndaikubvisa ipapo.
25
Ndichakuisa murwoko rwavanotsvaka kukuuraya, nomuruoko rwaivo vaunotya, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaKaradhea.
26
Iwe namai vako vakakubereka ndichakudzingirai kuneimwe nyika kwamusina kuberekerwa; ipapo muchandofirapo.
27
Asi kunyika kunopanga mwoyo yavo kudzokera, havangadzokeriko.
28
“Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?”
29
Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.
30
Zvanzi naJehovha, “Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro, uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52