bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 36
Jeremiah 36
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 37 →
1
Zvino negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2
“Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakakuudza pamusoro paIsiraeri, napamusoro paJudha, napamusoro pamarudzi ose, kubva pazuva randakataura newe, kubva pamazuva aJosia kusvikira zuva ranhasi.
3
“Zvimwe imba yaJudha vachanzwa zvakaipa zvose zvandinofunga kuvaitira, kuti vadzoke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, ndivakanganwire kuipa kwavo nezvivi zvavo.”
4
Ipapo Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeria, Bharuki akanyora parugwaro rwakapetwa mashoko ose aJehovha akabva mumuromo waJeremiya, aakataura kwaari.
5
Jeremiya akaraira Bharuki, achiti, “Ini ndakadziviswa, handigoni kupinda mumba maJehovha.
6
Naizvozvo chienda iwe, undorava murugwaro rwakapetwa, mawanyora zvakabva pamuromo wangu, mashoko aJehovha zvinzwike nenzeve dzavanhu mumba maJehovha pazuva rokuzvinyima zvokudya; uye uaravewo anzwike nenzeve dzavaJudha vose vanobuda mumaguta avo.
7
Zvimwe kunyengetera kwavo kuchasvika pamberi paJehovha, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; nokuti kutsamwa nehasha zvakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava kwakakura kwazvo.”
8
Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose sezvaakarairwa nomuporofita Jeremiya, akarava mubhuku mashoko aJehovha mumba maJehovha.
9
Zvino negore rechishanu raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, nomwedzi wepfumbamwe, vanhu vose veJerusaremu, navanhu vose vakanga vabva kumaguta aJudha vachiuya Jerusaremu, vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya pamberi paJehovha.
10
Ipapo Bharuki akarava mubhuku mashoko aJeremiya mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana womunyori Shafani, muruvazhe rwokumusoro, pavaipinda pasuo idzva reimba yaJehovha, vanhu vose vachizvinzwa nenzeve dzavo.
11
Zvino Mikaia mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, wakati anzwa mashoko ose aJehovha mubhuku,
12
akaburukira kumba kwamambo, mukamuri yomunyori, wanei, machinda ose agerepo, vaiti, Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekia mwanakomana waHanania, namachinda ose.
13
Ipapo Mikaia akavaparidzira mashoko ose aakanzwa, Bharuki achirava mubhuku vanhu vachizvinzwa nenzeve dzavo.
14
Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, “Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye.” Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
15
Vakati kwaari, “Zvino chigara pasi, uirave tinzwe nenzeve dzedu.” Ipapo Bharuki wakavaravira vakanzwa nenzeve dzavo.
16
Zvino vakati vanzwa mashoko ose, vakatarirana vachitya, vakati kuna Bharuki, “Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.”
17
Vakabvunza Bharuki, vachiti, “Zvino chitiudza kuti wakanyora mashoko awa ose sei, achibva mumuromo make.”
18
Ipapo Bharuki akavapindura, akati, “Wakandiparidzira mashoko awa ose nomuromo wake, ndikaanyora neingi mubhuku.”
19
Ipapo machinda akati kuna Bharuki, “Endai mundovanda, iwe naJeremiya, kurege kuva nomunhu unoziva kwamuri.”
20
Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
21
Ipapo mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, iye akandorutora mukamuri yomunyori Erishama. Jehudhi akaravira mambo achizvinzwa nenzeve dzake, namachinda ose akanga amire namambo ivo vachinzwa nenzeve dzavo.
22
Zvino mambo wakanga agere muimba yakavakirwa nguva yechando nomwedzi wepfumbamwe, moto uchipfuta pamberi pake pachaenga.
23
Zvino Jehudhi wakati apedza kurava zvikamu zvitatu kana zvina, mambo ndokuzvicheka nebanga ndokuzvikandira mumoto wakanga uri muchaenga, kusvikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomoto wakanga uri muchaenga.
24
Asi havana kutya, kana kubvarura nguo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
25
Erinatani naDheraia naGemaria vakanga vanyengetera havo mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa, asi haana kuvaterera.
26
Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
27
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, mambo apisa rugwaro rwakapetwa, namashoko akanga anyorwa naBharuki achibva mumuromo waJeremiya, richiti,
28
“Chitorazve rumwe rugwaro rwakapetwa unyoremozve mashoko ose okutanga, akanga ari murugwaro rwakapetwa rokutanga, rwakapiswa naJehoiakimu mambo waJudha.
29
Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, ‘Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa,’ uchiti, ‘Wanyorereimo’ uchiti, ‘Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?’
30
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mambo waJudha, ‘Haangavi nomumwe uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; chitunha chake chichakandirwa kunze masikati kana kuchipisa, nohusiku kana kune chando.
31
Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuterera.’ ”
32
Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha; mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52