bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 49
Jeremiah 49
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 50 →
1
Pamusoro pavana vaAmoni. Zvanzi naJehovha, “Ko Isiraeri havana vanakomana here? Havana vagari venhaka here? Ko Marikami wagarireiko nhaka yaGadhi, vanhu vake vanogarirei mumaguta ake?
2
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo vaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.’
3
Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa; chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapristi namachinda ake pamwechete.
4
Unozvirumbidzireiko pamusoro pamipata, pamusoro pomupata wako unoyerera, iwe mukunda wokudzokera shure, iwe wokuvimba nepfuma yako, uchiti, ‘Ndianiko ungarwa neni?’
5
“Tarira, ndichauyisa pamusoro pako kutya vose vanokupoteredza, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo; muchadzingwa mumwe nomumwe ipo paakatarira, hakuna ungazounganidza vanodzungaira.
6
“Asi pashure ndichadzosa kutapwa kwavana vaAmoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
7
Pamusoro paEdhomu. Zvanzi naJehovha wehondo, “Ko paTemani hapachina huchenjeri here? Mano arova kuna vakangwara here? Huchenjeri hwavo hwanyangarika here?
8
Tizai, mudzoke, garai makadzika, imi mugere paDhedhani; nokuti ndichauyisa njodzi yaEsau pamusoro pake nenguva yandichamurova nayo.
9
Kana vakohwi vamidzambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mamwe madzambiringa angazokohiwa here? Kana mbavha dzikasvika husiku havangaparadzi kusvikira varinganwa here?
10
Ndakafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzakavanda, haangagoni kuvanda; vana vake vaparadzwa, nehama dzake nowokwake; iye haachipo.
11
Siya nherera dzako, ini ndichadziraramisa, chirikadzi dzako ngadzivimbe neni.
12
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, vakanga vasina kufanira kunwa pamukombe, vachanwa zvirokwazvo; ko zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarohwi here? Haungaregwi usingarohwi, asi uchanwa zvirokwazvo.’
13
Nokuti ndakapika neni ndimene, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti Bhozira richaitwa chishamiso nechinoshoorwa, nedongo rechinotukwa; maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”
14
Ndakanzwa mashoko anobva kuna Jehovha, nhume yakatumwa pakati pamarudzi, ichiti, “Unganai, muuye kuzorwa naro, musimukire kurwa.
15
Nokuti tarirai, ndakakuita muduku pakati pamarudzi, nounozvidzwa pakati pavanhu.
16
Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomwoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
17
“Edhomu vachaitwa chishamiso, mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamadambudziko avo ose.
18
Sapakutsindikirwa kweSodhoma neGomora namamwe maguta akanga ari pedyo hakuna munhu uchagaramo, hakuna Mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
19
Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
20
Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro paEdhomu, nemifungo yake yaakafunga pamusoro pavagere paTemani. Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo.
21
“Nyika inodedera nokuda kwomubvumo wokuwira kwavo pasi; kuchema kuripo kunonzwika kusvikira kuGungwa Dzvuku.
22
Tarirai, uchakwira achibhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa neBhozira, nezuva iro mwoyo yemhare dzaEdhomu ichaita somwoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.”
23
“Pamusoro peDhamasiko. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti akanzwa mashoko akaipa, akanyauka; kutambudzika kuripo pagungwa, harigoni kuzorora.
24
Dhamasiko rapera simba, rakatendeukira kutiza, rakabatwa nokudedera; rakabatwa nokurwadziwa nokuchema somukadzi unosurumuka.
25
“Haiwa, guta rairumbidzwa rakasiyiwa sei, iro guta romufaro wangu?
26
“Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, varwi vose vachanyarara nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
27
Ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasiko, uchaparadza dzimba dzoushe dzaBhenihadhadhi.”
28
Pamusoro paKedhari napamusoro poushe hweHazori hwakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi. Zvanzi naJehovha, “Simukai, muende kuna Kedhari, mundoparadza vanhu vokumabvazuva.
29
Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, ‘Zvinotyisa zviripo kumativi ose!’
30
“Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa.
31
Simukai, muende kundorwa norudzi rwakazorora, runogara rusina hanya, ndizvo zvinotaura Jehovha; rusina masuo kana zvipfigiso, runogara rwoga.
32
Makamera avo achatapwa nezvipfuo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha.
33
“Hazori huchava hugaro hwamakava, nedongo nokusingaperi; hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.”
34
Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro paEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, richiti,
35
“Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Tarirai, ndichavhuna huta hwaEramu, icho chinhu chikuru chesimba ravo.
36
Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.’
37
“Ndichavhundusa Eramu pamberi pavavengi vavo napamberi pavanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kukuru, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatuma munondo uvateverere kusvikira ndavapedza.
38
Ndichaisa chigaro changu choushe maEramu, ndiparadze mambo namachinda vabvepo ndizvo zvinotaura Jehovha.
39
Asi namazuva okupedzisira ndichadzosazve kutapwa kwaEramu, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 50 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52