bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 48
Jeremiah 48
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 49 →
1
Pamusoro paMoabhu. “Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Nebho rine nhamo, nokuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa, rakundwa; Mishigabhi ranyadziswa, ravhunduswa.’
2
Mbiri yaMoabhu haichipo; paHeshibhoni vakarangana zvakaipa pamusoro pavo, vachiti, ‘Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi.’ Newewo Madhimeni, uchanyaradzwa, munondo uchakutevera.
3
Inzwai inzwi rokuchema rinobva Horonaimi, ‘Kuparadzwa nokukoromorwa kukuru!’
4
Moabhu vaparadzwa; vanana vavo vakanzwika vachichema.
5
Nokuti vachakwira nomukwidzwa weRuhiti vachingochema; nokuti pamatenusirwa eHoronaimi vakanzwa njodzi yokuchema kwokuparadzwa.
6
‘Tizai, muponese mweya yenyu, mufanane negwenzi murenje.’
7
Nokuti zvamakavimba namabasa enyu nepfuma yenyu, muchakundwawo; Kemoshi vachaenda kwavanotapwa, vapristi vavo namachinda avo pamwechete.
8
Muparadzi uchawira guta rimwe nerimwe, hakuna guta richapukunyuka; mupata uchapararawo, nebani richaparadzwa, sezvakataura Jehovha.
9
Ipai Moabhu mapapiro, vabhururuke, vaende; maguta avo achava matongo, anoshaiwa unogaramo.
10
Ngaatukwe unobate basa raJehovha asina hanya naro; ngaatukwe unodzora munondo wake paropa.
11
“Moabhu vakanga vane zororo kubva pahuduku hwavo, vakagara pamasese avo, havanakudururwa vachibviswa mumudziyo, uye havana kutapwa; naizvozvo kuzipa kwavo kwakarambira mukati mavo, nokunhuwira kwavo hakuna kushanduka.
12
“Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha andichatuma kwavari vanomimina; ivo vachavamimina, vachadurura midziyo yavo chose, nokuputsanya hari dzavo.
13
Moabhu vachanyara pamusoro peKemoshi, sezvakanyadziswa imba yaIsiraeri pamusoro peBhetieri, ravaivimba naro.
14
Munotaura seiko, muchiti, ‘Tiri mhare, vanhu vakatsunga pakurwa?’
15
Moabhu vaparadzwa, vakwira mumaguta avo, majaya avo akasanangurwa akaburuka kundourawa ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
16
“Njodzi yaMoabhu yava pedyo yodokuuya, nhamo yavo yokurumidza kuuya.
17
Vachemei, imi mose makavapoteredza, imi mose munoziva zita ravo; muti, ‘Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!’
18
“Iwe mukunda unogara Dhibhoni, buruka pakukudzwa kwako, ugare pane nyota, nokuti muparadzi waMoabhu wauya kuzorwa newe, waparadza nhare dzako.
19
Iwe unogara Aroeri, mira panzira utarire; bvunza unotiza nounopukunyuka, uti, ‘Chinyiko chaitwa?’
20
Moabhu vakanyadziswa, nokuti vakakoromorwa. Wungudzai mucheme, muzviparidzire paArinoni kuti Moabhu vaparadzwa.
21
“Zvirokwazvo, kutongwa kwasvika panyika yamapani, paHoroni, napaJaza, napaMefaati,
22
napaDhibhoni, napaNebho, napaBhetidhibhirataimu,
23
napaKiriataimu, napaBhetigamuri, napaBhetimeoni,
24
napaKerioti, napaBhozira, napamaguta ose enyika yavaMoabhu, kure kana pedyo.
25
Runyanga rwaMoabhu rwagurwa, ruoko rwavo rwavhuniwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
26
“Muvape doro vabatwe, nokuti vakaita manyawi pamberi paJehovha; Moabhu vachawumburuka mumarutsi avo, vachasekwawo.
27
Nokuti Isiraeri havana kusekwa nemi here? Vakawanikwa pakati pamakororo here? Nokuti nguva dzose kana muchimureva iye munodzungudza misoro yenyu.
28
“Imi mugere panyika yaMoabhu, ibvai mumaguta, mugare mudombo, muve senjiva inovaka dendere rayo pamativi amawere.
29
Takanzwa kuzvikudza kwaMoabhu, kuti vanozvikudza kwazvo; nokuzvirumbidza kwavo, namanyawi omwoyo wavo.
30
Ndinoziva hasha dzavo, kuti hadzina maturo ndizvo zvinotaura Jehovha; kuzvirumbidza kwavo hazvina kuita chinhu.
31
Naizvozvo ndichawungudza pamusoro paMoabhu, zvirokwazvo ndichadanidzira pamusoro pavaMoabhu vose; vachachema vanhu veKiriheresi.
32
Ndichakuchemera, iwe mudzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namadzambiringa ako.
33
“Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakanga uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.
34
“Kubva pakuchema kweHeshibhoni kusvikira Ereare, nokusvikira Jahazi, vakanzwisa inzwi ravo, kubva Zoari kusvikira Horonaimi neEgiratisherishiya; nokuti nemvura zhinji yeNimirimi ichaparadzwa.
35
“Ndichagumisawo pakati paMoabhu ani naani unobayira panzvimbo dzakakwirira, naiye unopisira vamwari vake zvinonhuwira ndizvo zvinotaura Jehovha.
36
“Naizvozvo mwoyo wangu unorira pamusoro paMoabhu senyere, nomwoyo wangu unorira senyere pamusoro pavanhu veKiriheresi; naizvozvo zvakawanda zvaakazviwanira zvapera.
37
Nokuti misoro yose yava nemhazha, nendebvu dzose dzaveurwa; maoko ose atemwa, nezviuno zvose zvinamasaga.
38
Pamatenga edzimba dzaMoabhu, napanzira dzomumisha yavo kuwungudza kuripo pose; nokuti ndaputsa Moabhu somudziyo usingafadzi munhu ndizvo zvinotaura Jehovha.
39
Vakoromorwa sei! Vanowungudza sei! Moabhu vakafuratira sei nokunyadziswa! Saizvozvo Moabhu vachava chinhu chinosekwa nechinotyisa pakati pavose vanovapoteredza.”
40
Nokuti zvanzi naJehovha, “Tarirai, uchabhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa naMoabhu.
41
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro mwoyo yemhare dzaMoabhu ichaita somwoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
42
Moabhu vachaparadzwa, varege kuva rudzi rwavanhu, nokuti vakazvikudza pamberi paJehovha.
43
Kutya nehuzha nomusungo zvasvika kwauri, iwe ugere panyika yaMoabhu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
44
Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhuzha uchabatwa nomusungo, nokuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
45
Vakatiza vamire pamumvuri weHeshibhoni vasina simba, nokuti moto wabuda paHeshibhoni, nomurazvo pakati paSihoni, waparadza mativi aMoabhu nemisoro yavanoda kurwa.
46
Mune nhamo, imi Moabhu! Vanhu veKemoshi vapera; nokuti vanakomana venyu vatapwa, navakunda venyu vaiswa kukutapwa.
47
“Asi namazuva okupedzisira ndichadzosa kutapwa kwaMoabhu ndizvo zvinotaura Jehovha.” Ndipo panosvika kutongwa kwaMoabhu.
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52