bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 32
Jeremiah 32
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 33 →
1
Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha negore regumi raZedhekia mambo waJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhirezari.
2
Zvino nenguva iyo mambo wehondo yeBhabhironi wakanga akakomberedza Jerusaremu; asi muporofita Jeremiya wakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, rwakanga ruri mumba mamambo waJudha.
3
Nokuti Zedhekia mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, “Unoporofitireiko uchiti, ‘Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;’
4
Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki pamaoko avaKaradhea, asi uchaiswa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, vachataurirana nemiromo yavo, nokuonana nameso avo;
5
iye uchandoisa Zedhekia Bhabhironi, agareko kusvikira ndichimushanyira, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange mukarwa navaKaradhea hamungakundi?”
6
Jeremiya akati, “Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
7
‘Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi, sekuru vako, uchauya kwauri, achiti, “Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nokuti ndiwe une simba rokuudzikinura nokuutenga.”’ ”
8
Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, “Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikinura; chizvitengera iwo.” Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
9
Ndikatenga munda wakanga uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi namanomwe.
10
Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero.
11
Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama,
12
ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi varipo.
13
Ndikaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,
14
“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.’
15
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Dzimba neminda yemidzambiringa zvichazotengwazve munyika ino.’ ”
16
Zvino ndakati ndapa Bharuki mwanakomana waNeria rugwaro rwokutenga, ndikanyengetera kuna Jehovha, ndichiti,
17
“Haiwa, Ishe Jehovha! Tarirai, imi makaita denga rose napasi nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, hakuna chinhu chingakukonai imi;
18
imi, munonzwira tsitsi vane zviuru zvamazana, nokutsiva zvakaipa zvamadzibaba muchipfuva chavana vavo vanovatevera, iye mukuru, Mwari unesimba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake;
19
wakakura panjere, une simba pakubata, meso ake anosvinurira nzira dzose dzavana vavanhu, kuti ape mumwe nomumwe sezvaakabata, nezvakafanira zvibereko zvamabasa ake;
20
iye, wakaisa zviratidzo nezvishamiso panyika yeIjipiti kusvikira pazuva ranhasi, pakati paIsiraeri napakati pavamwe vanhu; mukazviitira mbiri sezvazvakaita nezuva ranhasi;
21
mukabudisa vanhu venyu vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezviratidzo nezvishamiso nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru;
22
mukavapa nyika ino, yamakapikira madzibaba avo kuti muchavapa, iri nyika inoyerera mukaka nohuchi;
23
vakapinda, vakaiita yavo; asi havana kuterera inzwi renyu, kana kufamba nemirairo yenyu; havana kutongoita chinhu chimwe chezvose zvamakavaraira kuti vazviite; naizvozvo makauyisa izvi zvose pamusoro pavo.
24
“Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda kwomunondo nenzara nehosha yakaipa; zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.
25
Zvino imi Ishe Jehovha, makati kwandiri, ‘Chitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea.’ ”
26
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
27
“Tarira, ndini Jehovha, Mwari wenyama yose, kunechinhu chingandikona here?
28
“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarira ndichaisa guta rino mumaoko avaKaradhea, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, iye ucharikunda’.
29
“VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
30
Nokuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisa bedzi namabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31
Nokuti guta rino rakamutsa kutsamwa kwangu nehasha dzangu kubva pazuva ravakarivaka kusvikira zuva ranhasi, kuti ndiribvise pamberi pangu,
32
nokuda kwezvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri navana vaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navapristi vavo, navaporofita vavo, navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu.
33
“Vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; kunyange ndaivadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichivadzidzisa, asi havana kuterera nokutenda kurangwa.
34
“Asi vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba yakatumidzwa zita rangu, kuti vaisvibise.
35
Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumwoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.”
36
Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi nomunondo, nenzara uye nehosha yakaipa,
37
“Tarirai, ndichavaunganidza kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, uye neshungu dzangu huru, ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa.
38
Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
39
Ndichavapa mwoyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera.
40
Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
41
Zvirokwazvo, ndichavafarira kuti ndivaitire zvakanaka, ndichavasima zvirokwazvo munyika ino nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
42
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Sezvandakauyisa zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pavanhu ava, saizvozvowo ndichauyisa pamusoro pavo zvakanaka zvose zvandakavapikira.
43
Minda ichatengwa munyika ino yamunoti idongo, haina vanhu kana zvipfuo, yaiswa mumaoko avaKaradhea.’
44
“Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52