bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 40
Jeremiah 40
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 41 →
1
Shoko rakabva kuna Jehovha, rikasvika kuna Jeremiya, asunungurwa paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, nguva yaakanga amubata akasungwa namaketani pakati pavatapwa vose veJerusaremu navaJudha, vakanga votapwa vachiiswa Bhabhironi.
2
Mukuru wavarindi akatora Jeremiya, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo ino;
3
zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
4
“Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka; asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.”
5
Zvino wakati achigere kuenda, akati, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende.” Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
6
Ipapo Jeremiya akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, akagara naye pakati pavanhu vakanga vakasiyiwa munyika.
7
Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi,
8
vakauya kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraia mwanakomana waTanhumeti, navanakomana vaEfai muNetofati, naJezania mwanakomana womuMaakatiti, ivo navanhu vavo.
9
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, “Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
10
Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.”
11
Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo;
12
ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
13
NaJohananiwo, mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedharia paMizipa,
14
vakati kwaari, “Munoziva here kuti Bhaarisi, mambo wavana vaAmoni, wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetania kuzokuurayai?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
15
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyerere, akati, “Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?”
16
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.”
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52