bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 35
Jeremiah 35
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 36 →
1
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
2
“Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vanwe.”
3
Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
4
Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedyo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
5
Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, “Inwai waini.”
6
Asi ivo vakati “Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, ‘Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
7
uye musavaka dzimba, kana kudyara mbeu, kana kurima minda yemidzambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.’
8
“Zvino takaterera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
9
kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemidzambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
10
asi takagara mumatende, tikaterera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
11
Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, ‘Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.’ ”
12
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
13
“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu,’ uti, ‘Hamutendi kurangwa, kuti muterere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.’
14
Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anotererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoterera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditerera.
15
Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditerera.’
16
“Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakaterera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditerera;
17
naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; ‘Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.’
18
“Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakaterera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;’
19
naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.’ ”
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52