bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Jeremiah 8
Jeremiah 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 9 →
1
“Nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha uchabvisa pamahwiro avo mapfupa amadzimambo avaJudha, namapfupa amachinda avo, namapfupa avapristi, namapfupa avaporofita, namapfupa avaigara paJerusaremu;
2
vachaaparadzira panopenya zuva nomwedzi nehondo yose yokudenga, izvo zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaivinga, nezvavainamata; haangaunganidzwi, kana kuvigwa, asi achava mupfudze panyika.
3
Rufu ruchasanangurwa kupfuura hupenyu navose vakasara panzvimbo dzose kwandakavadzingira” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4
Zvino unofanira kuti kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Ko vanhu vangawa, vakasazomukazve here? Munhu ungatsauka, akasazodzoka here?’
5
Zvino vanhu ava veJerusaremu vakadzokereiko nokudzokera kusingatongoperi? Vanonamatira kunyengera, vanoramba kudzoka.
6
Ndakaterera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, ‘Ndaiteiko?’ Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
7
Zvirokwazvo, zvimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
8
Munoreva seiko, muchiti, ‘Takachenjera, murayiro waJehovha tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera.’
9
Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?
10
Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira pfuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
11
Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, ‘Rugare, rugare!’ Izvo hakuna rugare.
12
“Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete, havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa; panguva yokurohwa kwavo vachagumburwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
“Ndichavapedza chose,” ndizvo zvinotaura Jehovha; “Hakungavi namadzambiringa pamudzambiringa, kana maonde pamuonde, namashizha achaoma ndakaraira vachavakukura.
14
“Tinogarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifirepo; nokuti Jehovha Mwari wedu wakatiuraya, akatipa mvura inouraya kuti tiinwe; nokuti takatadzira Jehovha.
15
Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.
16
Kufemhedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
17
“Nokuti tarirai, ndichatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicharamba kuroyiwa; dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Haiwa, dai ndaigona hangu kuzvinyaradza pakuchema kwangu! Mwoyo wangu waziya mukati mangu.
19
Inzwai, inzwi rokuchema kwomukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, “Ko Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?”
20
“Kucheka kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa.”
21
Ini ndinokuvadzwa nokuda kwokukuvadzwa kwomukunda wavanhu vangu; ndinochema, ndabatwa nokuvhunduswa.
22
Ko hakuna muti webharisami muGireadhi here? Hakune n'anga ko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52