bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 12
Genesis 12
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 13 →
1
Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.
2
“Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo.
3
Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.”
4
Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani.
5
Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womunun'una wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.
6
Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika.
7
Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari.
8
Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha.
9
Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi.
10
Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo.
11
Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa.
12
Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu.
13
Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”
14
Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo.
15
Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake.
16
Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera.
17
Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama.
18
Saka Faro akadana Abhurama uye akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako?
19
Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!”
20
Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, uye vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→