bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 6
Genesis 6
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 7 →
1
Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari,
2
vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza.
3
Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.”
4
VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira.
5
Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzokufunga kwomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.
6
Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa.
7
Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”
8
Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.
9
Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari.
10
Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti.
11
Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana.
12
Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo.
13
Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika.
14
Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze.
15
Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatua, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanub uye makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo.
16
Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe cheted kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro.
17
Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara.
18
Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri.
19
Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe.
20
Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu.
21
Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.”
22
Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→