bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 36
Genesis 36
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 37 →
1
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).
2
Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi,
3
uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
4
Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri,
5
uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.
6
Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomunun'una wake Jakobho.
7
Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo.
8
Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
9
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.
10
Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau Adha, naReueri, mwanakomana waBhasemati mukadzi waEsau.
11
Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi.
12
Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13
Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
14
Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau vaiva: Jeushi, Jaramu naKora.
15
Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi,
16
Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
17
Vanakomana vaReueri mwanakomana waEsau vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
18
Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau vaiva: madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.
19
Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
20
Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
21
Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
22
Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomani. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
23
Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
24
Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
25
Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama mwanakomana waAna.
26
Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
27
Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani.
28
Vanakomana vaDishani vaiva: Uzi naArani.
29
Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
30
Dishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.
31
Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
32
Bhera mwanakomana waBheori akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
33
Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
34
Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
35
Hushani akati afa, Kadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
36
Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
37
Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
38
Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
39
Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhari akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMeZahabhi.
40
Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo: Timina, Arivha, Jeteti,
41
Dhoribhama, Era, Pinoni,
42
Kenazi, Temani, Mibhiza,
43
Magidhieri naIramu. Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→