bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 48
Genesis 48
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 49 →
1
Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye.
2
Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo.
3
Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo,
4
uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’
5
“Ipapo zvino, vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa muIjipiti ndisati ndasvika kwauri kuno vachanzi ndevangu; Efuremu naManase vachava vangu, saRubheni naSimeoni vari vangu.
6
Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo.
7
Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema).
8
Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”
9
Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa pano naMwari.” Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”
10
Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.
11
Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”
12
Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri uye akakotama pasi nechiso chake.
13
Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo.
14
Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe.
15
Ipapo akaropafadza Josefa akati, “Mwari uyo madzibaba angu, ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake, iye Mwari akanga ari mufudzi wangu upenyu hwangu hwose kusvikira nhasi,
16
Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vakomana ava. Ngavadanwe nezita rangu uye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka, uye ngavawande zvikuru pamusoro penyika.”
17
Josefa paakaona baba vake vachiisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu haana kufadzwa nazvo; saka akabata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfuremu aruise pamusoro waManase.
18
Josefa akati kwavari, “Kwete, baba vangu, uyu ndiye dangwe; isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”
19
Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.”
20
Akavaropafadza pazuva iro akati, “Muzita rako, Israeri achataura ropafadzo iyi achiti: ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ” Saka akaisa Efuremu pamberi paManase.
21
Ipapo Israeri akati kuna Josefa, “Ndava pedyo nokufa, asi Mwari achava newe uye achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
22
Uye kwauri, sezvo uri munhu ari pamusoro pamadzikoma ako, ndinokupa mugove wenyika yandakatorera vaAmori nomunondo wangu uye nouta hwangu.”
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→