bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 42
Genesis 42
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 43 →
1
Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akati kuvanakomana vake, “Seiko muchiramba makangotarisana?”
2
Akaenderera mberi akati, “Ndanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Burukai muende ikoko mundotitengera zviyo, kuitira kuti tirarame tirege kufa.”
3
Ipapo madzikoma aJosefa gumi vakaburuka vakaenda kundotenga zviyo kuIjipiti.
4
Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, munun'una waJosefa, pamwe chete navamwe, nokuti akanga achitya kuti zvakaipa zvaizomuwira.
5
Saka vanakomana vaIsraeri vakanga vari pakati pavaya vakaenda kundotenga zviyo, nokuti nzara yakanga iri munyika yeKenaniwo.
6
Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesa zviyo kuvanhu vayo vose. Saka madzikoma aJosefa akati asvika, vakakotamira pasi kwaari nezviso zvavo.
7
Josefa achingoona madzikoma ake, akavaziva, asi akaita seasingavazivi uye akataura navo nehasha. Akati, “Munobvepi imi?” Ivo vakati, “Tinobva kunyika yeKenani, tauya kuzotenga zvokudya.”
8
Kunyange zvazvo Josefa akaziva madzikoma ake, ivo havana kumuziva.
9
Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”
10
Ivo vakapindura vakati, “Kwete, ishe wedu. Varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.
11
Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havazi vasori.”
12
Iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”
13
Asi vakapindura vakati, “Varanda venyu vaiva gumi navaviri, vari vanakomana vomunhu mumwe, anogara munyika yeKenani. Gotwe ndiye ari kuna baba vedu iye zvino, uye mumwe haachisipo.”
14
Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi!
15
Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge munun'una wenyu gotwe auya pano.
16
Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!”
17
Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu.
18
Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari.
19
Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya.
20
Asi munofanira kuuya nomunun'una wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita.
21
Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomunun'una wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.”
22
Rubheni akapindura akati, “Ko, handina kukuudzai here kuti murege kutadzira mukomana? Asi hamuna kuda kunditeerera! Zvino tinofanira kuzvidavirira nokuda kweropa rake.”
23
Havana kuziva kuti Josefa aigona kuvanzwisisa, sezvo akanga achishandisa mududziri.
24
Akabva pavari uye akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa.
25
Josefa akarayira kuti masaga avo azadzwe nezviyo, vaise mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti vapiwe mbuva yorwendo rwavo. Shure kwokuitirwa kwavo izvi,
26
vakatakudza mbongoro dzavo zviyo uye vakaenda.
27
Panzvimbo yavakavata usiku, mumwe wavo akazarura saga rake kuti atorere mbongoro yake zvokudya, uye akaona mari yake pamuromo wesaga rake.
28
Akati kuna vamwe vake, “Mari yangu yadzoserwa. Heyi iri musaga rangu.” Mwoyo yavo yakati rukutu uye vakatarisana vachidedera, uye vakati, “Chiiko ichi chataitirwa naMwari?”
29
Pavakasvika kuna baba vavo Jakobho munyika yeKenani, vakamuudza zvakanga zvaitika kwavari. Vakati,
30
“Murume anova ndiye ishe pamusoro penyika iyo akataura nesu nehasha uye akatiita sokunge taiva vasori munyika.
31
Asi takati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka; hatisi vasori.
32
Takanga tiri vanakomana gumi navaviri vababa vamwe chete. Mumwe haachipo, uye gotwe ndiye ana baba vedu zvino kuKenani.’ ”
33
“Ipapo murume anova ndiye ishe panyika iyo akati kwatiri, ‘Hechi chinhu chichandizivisa kana muri vanhu vakatendeka: Siyai mumwe wenyu neni pano, mugotakura zvokudya zvemhuri dzenyu dziri kuziya muende.
34
Asi muuye nomunun'una wenyu gotwe kwandiri kuitira kuti ndigoziva kuti hamuzi vasori, asi kuti muri vanhu vakatendeka. Ipapo ndichadzosera mumwe wenyu kwamuri, uye mungazotenga henyu muno munyika.’ ”
35
Pavakanga vachidurura masaga avo, wanei musaga romumwe nomumwe wavo makanga mune homwe yake yesirivha! Ivo nababa vavo pavakaona mari muhomwe, vakatya.
36
Baba vavo Jakobho vakati, “Mandipedzera vana vangu. Josefa haasisipo naSimeoni haasisipo, uye zvino munoda kutora Bhenjamini. Zvinhu zvose zviri kundimukira!”
37
Ipapo Rubheni akati kuna baba vake, “Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri ava kana ndisina kudzoka naye kwamuri. Muisei mumaoko angu, uye ndichadzoka naye.”
38
Asi Jakobho akati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi kuti aende ikoko; mukoma wake akafa uye ndiye chete asara. Kana zvakaipa zvikamuwira parwendo rwamuri kufamba, muchaburutsira musoro wangu wachena muguva mukusuwa.”
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50