bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 33
Genesis 33
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 34 →
1
Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri.
2
Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure.
3
Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake.
4
Asi Esau akamhanya kundosangana naye uye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema.
5
Ipapo Esau akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, “Ndivanaaniko ava vaunavo?” Jakobho akapindura akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.”
6
Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi.
7
Zvimwe chetezvo, Rea navana vake vakasvika uye vakakotama pasi. Mushure mavo vose Josefa naRakeri, naivowo vakakotama pasi.
8
Esau akati, “Ko, unorevei namapoka ose andasangana nawo aya?” Iye akati, “Kuti ndiwane nyasha pamberi penyu, ishe wangu.”
9
Asi Esau akati, “Ndatova nezvizhinji, munun'una wangu. Chizvichengetera iwe zvaunazvo.”
10
Jakobho akati, “Kwete ndapota! Kana ndawana nyasha kwamuri gamuchirai henyu chipo ichi kubva kwandiri. Nokuti kuona chiso chenyu kunenge kuona chiso chaMwari, sezvo zvino mandigamuchira zvakanaka kudai.
11
Ndapota, gamuchirai chipo chandakuvigirai, nokuti Mwari akandiitira nyasha uye ndine zvose zvandinoda.” Uye nokuda kwokuti Jakobho akaramba achimugombedzera, Esau akazochigamuchira.
12
Ipapo Esau akati, “Ngatiendei zvedu; ndichakuperekedzai.”
13
Asi Jakobho akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku uye kuti ndinofanira kuchengetedza makwai nemombe dziri kunwisa. Kana zvikanyanya kutinhwa nezuva rimwe chete, zvingazofa.
14
Saka ishe wangu ngaatungamire hake mberi kwomuranda wake, ini ndichifamba hangu zvishoma zvishoma nenhambwe dzinoenderana nezvipfuwo zviri mberi kwangu, uyewo zvinoenderana navana, kudzamara ndasvika kuna she wangu kuSeiri.”
15
Esau akati, “Zvino chirega ndisiye vamwe vanhu vangu newe.” Jakobho akabvunza akati, “Asi mungaitireiko izvozvo? Regai ndiwane nyasha pamberi pashe wangu bedzi.”
16
Saka pazuva iroro, Esau akapinda munzira yake akadzokera kuSeiri.
17
Zvisinei hazvo, Jakobho akaenda kuSukoti, kwaakazvivakira imba yake uye akaitirawo zvipfuwo zvake matanga. Ndokusaka nzvimbo iyo ichinzi Sukoti.
18
Shure kwokubva kwaJakobho kuPadhani Aramu, akasvika zvakanaka kuguta reShekemu muKenani uye akadzika musasa wake pakatarisana neguta.
19
Akatenga nzvimbo yaakadzika matende ake kubva kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu nezana resirivha.
20
Ndipo paakavaka aritari akaitumidza zita rokuti Eri Erohe Israeri.
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→