bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 17
Genesis 17
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 18 →
1
Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama.
2
Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.”
3
Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari,
4
“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji.
5
Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji.
6
Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri.
7
Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.
8
Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.”
9
Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya.
10
Iyi ndiyo sungano yangu newe nezvizvarwa zvako zvinokutevera, sungano yaunofanira kuchengeta: Munhurume wose ari pakati penyu anofanira kudzingiswa.
11
Munofanira kudzingiswa, uye ichi chichava chiratidzo chesungano pakati pangu newe.
12
Kubva kumarudzi anotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako.
13
Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi.
14
Munhurume upi zvake, asina kudzingiswa panyama, achabviswa pavanhu vokwake; aputsa sungano yangu.”
15
Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara.
16
Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.”
17
Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?”
18
Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!”
19
Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera.
20
Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropfadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba vavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.”
21
Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.
22
Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kubva paari.
23
Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari.
24
Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa,
25
uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa;
26
Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro.
27
Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→