bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 40
Genesis 40
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
1
Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti.
2
Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru,
3
akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa.
4
Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, iye akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva.
5
Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetewo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva.
6
Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa.
7
Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?”
8
Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.”
9
Saka mudiri mukuru akataurira Josefa kurota kwake. Akati kwaari, “Mukurota kwangu ndaona muzambiringa pamberi pangu,
10
uye mumuzambiringa manga mune matavi matatu. Wati uchangobuka, waita maruva, uye masumbu awo aibva akava mazambiringa.
11
Mukombe waFaro wanga uri muruoko rwangu, uye ndatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFaro uye ndikaisa mukombe muruoko rwake.”
12
Josefa akati kwavari, “Uku ndiko kududzirwa kwadzo. Matavi matatu ndiwo mazuva matatu.
13
Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokudzosera pabasa rako, uye uchaisa mukombe waFaro muruoko rwake, sezvawaisimboita pawakanga uri mudiri wake.
14
Asi pazvinenge zvakunakira iwe, undirangarire uye undiitirewo ngoni; undireverere kuna Faro kuti ndigobudiswa mutorongo rino.
15
Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.”
16
Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pana matengu matatu echingwa.
17
Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.”
18
Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu.
19
Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.”
20
Zvino zuva rechitatu rakanga riri zuva rokuzvarwa kwaFaro, uye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza misoro yavaranda vake vaiti mudiri mukuru nomubiki mukuru pamberi pavaranda vake.
21
Akadzosera mudiri mukuru pabasa rake, zvokuti akaisazve mukombe muruoko rwaFaro,
22
asi akaturika mubiki mukuru pamuti, sezvazvakanga zvataurwa naJosefa kwavari mukududzira kwake.
23
Kunyange zvakadaro hazvo, mudiri mukuru haana kurangarira Josefa; akamukanganwa.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→