bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 13
Genesis 13
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 14 →
1
Saka Abhurama akakwira achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye.
2
Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe.
3
Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kusvikira asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare
4
uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.
5
Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende.
6
Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete.
7
Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerezi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo.
8
Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama.
9
Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”
10
Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.)
11
Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana:
12
Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu.
13
Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo.
14
Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira.
15
Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi.
16
Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo.
17
Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.”
18
Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→