bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Genesis 29
Genesis 29
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 30 →
1
Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake uye akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva.
2
Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru.
3
Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime.
4
Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.”
5
Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.”
6
Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.”
7
Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”
8
Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”
9
Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi.
10
Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake.
11
Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri uye akachema zvikuru.
12
Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake.
13
Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda uye akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi.
14
Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.”
15
Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?”
16
Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri.
17
Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.
18
Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
19
Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.”
20
Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
21
Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.”
22
Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo.
23
Asi akati ava madekwana, iye akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, uye Jakobho akavata naye.
24
Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake.
25
Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, handizvo here? Seiko mandinyengera?”
26
Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa.
27
Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.”
28
Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake.
29
Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake.
30
Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe.
31
Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki.
32
Rea akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.”
33
Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni.
34
Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi.
35
Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→