bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 1
Proverbs 1
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
1
Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:
2
kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere;
3
kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;
4
kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano,
5
vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,
6
kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.
7
Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.
8
Mwanakomana wangu teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
9
Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
10
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.
11
Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva;
12
ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;
13
tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;
14
isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”
15
mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;
16
nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.
17
Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!
18
Varume ava vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira ivo pachavo!
19
Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.
20
Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara;
21
kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti:
22
“Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?
23
Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.
24
Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,
25
sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu,
26
iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,
27
dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai.
28
“Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani.
29
Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha,
30
sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu,
31
vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo.
32
Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza;
33
asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31