bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 29
Proverbs 29
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
1
Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
2
Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
3
Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
4
Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
5
Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
6
Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
7
Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
8
Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9
Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
10
Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akaruruma, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
11
Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12
Kana mubati akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13
Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
14
Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
15
Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
16
Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17
Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.
18
Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
19
Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
20
Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
21
Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
22
Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zhizhinji.
23
Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
24
Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
25
Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.
26
Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27
Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31