bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 3
Proverbs 3
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
1
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
2
nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.
3
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa yomwoyo wako.
4
Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.
5
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
6
munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako.
7
Usazviita munhu akachenjera pameso ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
8
Izvi zvichava utano pamuviri wako nokusimbiswa kwamapfupa ako.
9
Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;
10
ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
11
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,
12
nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
13
Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
14
nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15
Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
16
Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
17
Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
18
Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
19
Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
20
noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.
21
Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;
22
zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.
23
Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;
24
paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.
25
Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,
26
nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.
27
Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.
28
Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.
29
Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.
30
Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira.
31
Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
32
nokuti Jehovha anovenga munhu akarasika, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
33
Kutuka kwaJehovha kuri paimba yowakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
34
Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
35
Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31