bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 7
Proverbs 7
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
1
Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri.
2
Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako.
3
Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako.
4
Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu.” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako;
5
zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve; kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko ake.
6
Napawindo remba yangu ndakatarira panze nomumagirazi.
7
Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere.
8
Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake,
9
panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba.
10
Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.
11
Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba;
12
imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.
13
Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati:
14
“Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.
15
Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!
16
Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.
17
Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.
18
Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!
19
Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.
20
Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”
21
Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera.
22
Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo,
23
kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa.
24
Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura.
25
Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake.
26
Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo.
27
Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31