bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 19
Proverbs 19
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
1
Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.
2
Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira.
3
Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.
4
Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.
5
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.
6
Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.
7
Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.
8
Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.
9
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.
10
Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!
11
Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
12
Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.
13
Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.
14
Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.
15
Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara.
16
Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.
17
Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.
18
Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake.
19
Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa, mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.
20
Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.
21
Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudiririra.
22
Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.
23
Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.
24
Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!
25
Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru; tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.
26
Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake mwanakomana anonyadzisa.
27
Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa, uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.
28
Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira, uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.
29
Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31