bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 24
Proverbs 24
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
1
Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;
2
nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
3
Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
4
kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
5
Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;
6
nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
7
Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
8
Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.
9
Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
10
Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!
11
Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
12
Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
13
Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
14
Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.
15
Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;
16
nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
17
Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
18
kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.
19
Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,
20
nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.
21
Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,
22
nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?
23
Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:
24
Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.
25
Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.
26
Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.
27
Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.
28
Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
29
Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”
30
Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;
31
minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32
Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.
33
Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore,
34
ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31