bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 6
Proverbs 6
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 7 →
1
Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,
2
kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako,
3
ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!
4
Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.
5
Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.
6
Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!
7
Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,
8
asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.
9
Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?
10
Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.
11
Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.
12
Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,
13
anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,
14
anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.
15
Naizvozvo njodzi ichamuwira nokuku-rumidza; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.
16
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
17
meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,
18
mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
19
chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
20
Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
21
Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.
22
Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.
23
Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,
24
kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.
25
Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,
26
nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
27
Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?
28
Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?
29
Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
30
Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.
31
Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.
32
Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
33
Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;
34
nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.
35
Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31