bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 22
Proverbs 22
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
1
Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.
2
Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.
3
Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.
4
Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.
5
Munzira yowakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.
6
Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
7
Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti.
8
Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.
9
Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
10
Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.
11
Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.
12
Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.
13
Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”
14
Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.
15
Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.
16
Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.
17
Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,
18
nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.
19
Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.
20
Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,
21
kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?
22
Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,
23
nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba.
24
Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,
25
kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.
26
Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti;
27
kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.
28
Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako.
29
Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31