bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 15
Proverbs 15
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
1
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
2
Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi.
3
Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka.
4
Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.
5
Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
6
Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuuyira kutambudzika.
7
Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.
8
Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza.
9
Jehovha anovenga nzira yowakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama.
10
Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa.
11
Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu!
12
Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.
13
Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.
14
Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.
15
Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.
16
Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.
17
Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.
18
Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.
19
Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.
20
Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.
21
Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.
22
Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
23
Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!
24
Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.
25
Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.
26
Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.
27
Munhu anokarira pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.
28
Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.
29
Jehovha ari kure nowakaipa, asi anonzwa munyengetero woakarurama.
30
Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.
31
Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.
32
Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.
33
Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31