bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Proverbs 27
Proverbs 27
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 28 →
1
Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.
2
Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.
3
Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.
4
Hasha dzinokuvadza uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?
5
Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.
6
Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.
7
Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.
8
Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.
9
Mafuta nezvinonhuwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.
10
Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.
11
Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.
12
Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.
13
Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.
14
Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.
15
Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;
16
kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.
17
Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.
18
Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.
19
Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.
20
Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.
21
Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.
22
Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.
23
Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;
24
nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kumarudzi namarudzi.
25
Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,
26
makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.
27
Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31